Ndakawira Murudo Nemunhu Akaroora/Rwa, Neni Ndiri Mumba: Matangiro Ehupombwe.

Hupombwe haungotangire pabonde; hunotanga nekushamwaridzana kwakafumuka. 

Hushamwari; nekakungonzwirana nzwirana tsitsi ne vanhu vechikadzi iwe uri murume kaana kuti iwe uri mukadzi uchiitawo zvandareva pamusoro apo zvinogona kuita ngozi huru mukati mewanano yako.

Chengetedza wanano yako nekusaita nyaya dzakavandika uyezve dzichipfuurira kunoita "chakafukidza chekukurukura zvemumba yemukati nemunhu asiri wako."

Ngwarira vaunoshanda navo vanonyanyoda kuzuurura nezve hupenyu hwako zvakavandika vaya vanokuti, "kana pane chaunenge uchida chingondizivisa." Ivo vaye vanokukwidza ndege yamashanga nemanzwi anotapira vachiita sevanokukwezva  maringe nechimiro chako uvangwarire.         
Hupombwe
Zvisinei nekuti chii chirikumbotora nzvimbo muwanano yako usapa satan zambuko nekuwira mumusungo iwoyu.

Nyatsokujekesera vaunoshanda navo zvinhu zvausingagamuchire njeee. Siya mukaha pakati pako nevamwe vanhu  rudzi rwechikadzi kana rwechirume. Wadiiwo watambira Jesu Chritsu sa mambo ne mudzikinuri wako NHASI?
Wana rubatsiro  kunana mazvikokota kana zvichibvira ...usawira mukuyedzwa!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp