Mfundisi Asvika Kudenga: Wow!

Mumwe mufundisi akafa akaenda kudenga. Asvika ikoko akakumbira Mwari kuti, "Mwari ino inguva yeSunday service kuchurch kwandaisipinda saka ndinokumbirawo mumbonditendedzawo kuona choir yangu yandaitungamirira ndichiri panyika ichiimba." 

Mwari vakamuvimbisa kuti kana nguva yechoir yasvika vamuitira.

Sezvineiwo yakasvika nguva and kudenga kwakanzwika ruzha nemheremhere vanhu vachifarira Choir iyi nekuti yaive nemukurumbira wekugona kuimba. Zvichidaro Mufundisi vakamera zenze vakanzwa manyukunyuku nekuzikanwa kwe Choir yavo. Payakatanga kuimba Mufundisi vaishamiswa vanhu vachifara, vachijamba, vamwe vachichema nekuropafadzwa asi kudenga vaingonzwa inzwi remumwe musikana 1 chete. 
Mfundisi Asvika Kudenga: Wow!
Pastor vakati, "Nhai Mwari, ko sei vanhu vachifara nekuimba kwakadai asi kuno kuri kunzwika inzwi remunhu mumwe chete. Mwari vakati, 'KUNO KUDENGA KUNONZWIKA VANOIMBA ZVICHIBVA PAMOYO CHETE. VOSE VAURI KUONA VARI KUSHAMA SHAMA MIROMO AVA VARI KUIMBIRA MANYAWI NEKUONERERWA NEVANHU. ZVINO KUNO KUNOSVIKA ZVINOREVESWA NEZVINOBVA PAMOYO, otherwise MU CHURCH MUNGAITIRE ZVINHU PASINA.

Vadikanwi vangu ngatinamatei kwazvo titsvake Mwari nemoyo tiite basa raMwari seraMwari kwete revanhu. Mazvita
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp