Kuvava Ne Godo Ngetani Yasatan!

Kuvava uyu mweya unopiringisha vatendi vakawanda kunze kwekuti chivi. Kugunun'una i poto yakakonzongwa kurasiriswa, hasha ne kutya.


Rangarira hasha dzinosvika padanho repamusoro kusvika kwava kugunun'una kana ukasa zvigadzirisa pachine nguva.kuna Vaefeso 4:26 kunonyatsonzi "Mukugumbuka kwako usaita chivi" sevatendi ziva kuti kugumbuka kwako kune muganhu, haufanhirwe pfuura nguva dze gumi ne mbiri.

Kunyangwe zvakadaro kuvava hakukuitise munhu arinani asi kutoita mhiripiri chaiyo zvinova zvinozokusvitsa mukusaregerera.
Kuvava Ne Godo Ngetani Yasatan!
Vazhinji vedu zvava singazive ndezve kuti kuvava kuno kuvharira bvookero yako.Usati wabvumidza kuvava kuti kuku sunge mbira dzakondo ziva zvinoteera.

- Kugunun'una chitori chitema.

- Paya paunotadza kutaura nemunhu ziva kuti humambo hwe denga hwangova zviroto kwauri.

- Kuvava kusaregerera kunenge kwavira kupfuura hwahwa hwe matanda.

- Paunoramba wakabatwa ne hurimbo hwe zvawakatadzirwa kare ko ndiko "kudhakwa" kwaunoitwa ne marwadzo ako.

- Satan anoshandisa chombo che hasha kukanganisa vakawanda.

- Mwari havakwanise kuswedera pedyo ne munhu ane huturu hwekuvava.

- Kuti ukunde kuvava unofanirwa kuregerera,ibva kupfungwa idzodzo uyezve siyana nazvo zvekuramba uchingozvitaura .

- Kuvava kuno kuvharirira hupenyu hwako hwepanyama nepamweya, hazvishamise vamwe vakusarira pakunamata kwavo.

- Kana uchivava saizvozvi hauite bvookero kunyangwe unamate zvinengei.

- Kuvava uku kunotsvairira satan pekugara.

- Iyi atari yasatan ndipo paanokuwanira ipapa, paya paunge wavekuda kusimuka panyaya dzemari satan anomira mberi kwako.

- Chivi ichi unongozoerekana wavemo chiri muchikwata chekunyeba ne makuhwa.

- Kuvava huturu chaihwo hwuri kudya vazhinji, hunoita kunge acid inodya mayakachengeterwa, chese chaunozama chinoramba.

- Munhu ane kuvava anochengeta madaka.

Izvi ndizvo zvibereko zvekuvava.

1. Kushaya rugare.

2. Kuputsirwa pasi pane zvaungade kuita.

3. Hunokonzera hasha

4. Zvinokonzera ruvengo.

5. Unotonhora pamweya.
6. Unoshuwira kuoona vamwe vachitambura.

7. Unopedzesera wakuita zvisina huMwari mukati.

8. Kuvava kunouraya hushamwari ne mhuri.

9. Kuvava kunovhara hukama hwako na Mwari.

10. Hunovhura magonhi kumuvengi kuti akuonese moto.

11. Kunogona kukurwarisa panyama kunyangwe nechirwere chepfungwa.

12. Unopesana neshoko ramwari ukange wave kuvava.

13. Kubwinya kwa Mwari kunoita kushoma mauri.

14. Pamberi paMwari une chivi kana wakazadzwa nekuvava; pamberi pevamwe vako hauna rugare.

Watendera kuvava kutonga hupenyu hwako here?

Dzidzira kuregerera.Gara hupenyu hutsvene! Heb12:14-15 munhu ane kuvava haana kutsvene uyezve anokonzeresa kune vamwe.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp