Zvinhu 10 Zvinokonzeresa Kuparadzana Kwevanodanana

Kufambidzana kwose kunosangana nematambudziko anonetsa kupedza,zvekuti mukasasimba munogona kurambana.


Kazhinji, kutanga kwekufambidzana kune zvivimbiso zvakati wandei,asi kufamba kwenguva unozoona zvimwe zvakawandika. Kurwa, kukakatirana uye bopoto zvinotanga kuwanda kunyanya kune avo vanenge vakugara vese,zvekusvika pakuti munotooona kuti kuparadzana ndokwega kwasara.


ZVIMWE ZVINOKONZERESA:

1. KUSANZWISISANA: Kunouya nezvikonzero zvakasiyana,kunyanya mukatadza kunzwanana pakufunga.Rudo runonzi runofukidzira zvose,asi mazuvano zvakuita sekunge pane zvinobatika ndipo,kupanana ndokwakufambisa zvinhu.Takurarama munyika it's vanhu vakukoshesa zvinobatika, kusvika pakuzvida zvichizozvara kusanzwisisana.Kusanzwisana hachisi chinhu chisingagadzirisike, uye hachifanirw kutarisirwa pasi.Kusanzwisisa umwe wako kunokonzeresa mharadzano.

2. NHAU DZEKUVIMBIKA: Kuvimbika kunofanirwa kuva pamunosimbira, asi mazuvano kwava kutarisirwa pasi,zvobuda senge ZVINHU zviri kufamba zvakanaka kuvaoni, asi paine buri pakati.Kupunza vimbiso, kunokonzeresa kuparara kwerudo. Asi, kusavimba neumwe wako kana ari pne vamwe, kune dambudziko.Hazvina kunaka kugara uchitarisa zvaanotaura panharembozha yake,zvingodiwa kuvimba neumwe wako asi kwete sebofu.
Zvinhu 10 Zvinokonzeresa Kuparadzana Kwevanodanana
3. MUKAHA PAKUTAURIRANA: Vanhu tinoshuwira kuva nevadiwa vanoziva zvatinoda,zvatinofunga kuziva zviri mumoyo pasina kuudzwa.Izvi zvishuwiro asi pakurarama chaiko hazviwanikwe. Ziva kuti usina kumuudza haangazive zvese kana zviripamoyo. Taurai zviripamoyo, hurongwa hwamangwana hwakakosha chose muwanano kugoverana. Pakashaya kutaurirana kazhinji kusanzwisisana kunouya.

4. KUGARA CHINHAMBWE: Nyangwe hazvo uchigona kuti kudanana kwenyu kusimbe uye kufadze nenzira dzakasiyana, kusaonanawo kunokonzeresa kuti musanyatsozivana. Paunoona umwe wako kekutanga mova nenguva mose unotoona musiyano kazhinji pane zvawaitarisira usati wamuona. Zvinogona kuunza kusagadzikana, kushanda kana kugara kwakasiyana munogona kuita kuti zvanga zvavandika zvitange kuoneka.

5. KUCHENGETA ZVAKAVANDIKA ... SECRETS: Tinotarisa kuti zvose zvinge zviri pachena pakati penyu, usingatye kugoverana neumwe wako. Asi, mukatadza kubudirana pachena nyangwe pane ramangwana rinotanga kusamira mushe. Zvinoparadza kuvimbika kwenyu, sekuva kwedu kunyepa kana kuvandisa chimwe chinhu kune njodzi

Saka sei nhai tichidaro?

6. KUDZORA ZVAKAPFUURA: Dzidza kurarama zviripo,kudzoka Shure kana kana wawakambodanana naye kana kutaura zvakambotadzwa neumwe wako shure uko hachisi chinhu chakanaka. Zvinokanganisa ramangwana. Dzidza kurarama nesarudzo yawakaita, kudzoka shure kunokonzeresa makakatanwa mativi ose. Regai ZVAKAPFUURA zvipfuure,kufunga wawakambodanana naye zvinoparadza zviripo.

7. ZVISINGATARISIRIKE ... UNREALISTIC:
Kana tada, kuda umwe munhu tinotarisa zvimwe chetewo kana zvakatopfurikidza kubva kwaari. Zvikasazoitika, zvinogona kusiya kudanana kuri pahwaro yekurambana. Munhu akapa anotarisirawo zvinoenderana, asi nzwisisa umwe usamuisa akufunganya. Tinotarisira vanhu kuva nehanya nekuda umwe wako, asi ngatisoite zvekuita kakubatirira.


8. SIMBA KUBVA KUMHURI (FAMILY PRESSURE): Kufambidzana kwakasimba uko vachitarisa kuva neramangwana,pfungwa dzemhuri dzinodiwawo. Mhuri inogona kurambana nekuda kwezvikonzero zvekuti vanototi rambanai. Vabereki vedu vanoda zvakanaka kubva kwatiri.
9. PFUNGWA DZAKASIYANA: Hakuna vanhu vanosikwa vakafanana pazvose,hazvigone kuti vanhu have nemifungo imwe chete nemaonero amwe.Vamwe vanoteedza kuti kusiyana kwavo kubuditse chakanaka,asi vamwe vanokundikana.Vanhu vane pfungwa dzakasiyana vanogona kuva nerudo rwakasimba.asi avo vane miono yakasiyana kazhinji vanoparadzana mukufamba kwenguva.

10. KUZVIDA NESHANJE: Kazhinji, hatiratidze kuzvida kune avo vatinoda, kana kuisa makakatanwa kune avo vatinoda asi kutokurudzirana nekufara mukubudirira kwavo. Kune vamwe vasingagone kuona kugona kweumwe wake, pfungwa yekuti ndakurirwa inosvika pakunetsana mazuva ose zvekusvika pakuradzana. Chimwe chakakosha chinoparadzanisa vanhu ishanje. Uye zvinonzi shanje nekuzvida zvinofambidzana,uye pane izvi rudo harugare. Shanje inyoka inosunga rudo ichibvisa kunaka nemufaro unofanirwa kuva uripo.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp