Yambiro Yandakapihwa Nababa Vangu Pandaitsvaga Mudzimai Wekuroora

Mwanangu, handisi kuzokuvanzira uye rega ndigokujekesera nekukubudira pachena.

Usatarisa makuriro emagadziko kana mazamu, asi tarisa makuriro emoyo nehudzamu hwepfungwa. Tarisa tsungiriro uye rudo rwake, nokuti mushure memakore mashanu kana gumi ichange isisiri nyaya yechimiro chake.


Sezvaunoona mai vako vava nechipfuva nechiuno chisina kumira asi zvakadaro tinogara tiine mufaro, ndinovada ende ivo vanondida. Chenjera madzimai ane rudo nemari ... Ndinoreva madzimai anotaura nguva dzose ku mbatya, shangu, zvemukati, zvizorwa zvekumeso, mabhegi zvakudiwa.

Wanano haisi yezvinhu zvose izvi, asina zvizorwa, mbatya, shangu, zvipfeko zvemukati wanano yakanaka inongomira asi ikashaiwa rudo wanano inoparara.
Yambiro Yandakapihwa Nababa Vangu Pandaitsvaga Mudzimai Wekuroora
Yambiro Yandakapihwa Nababa Vangu Pandaitsvaga Mudzimai Wekuroora
Pandaroora mai vako, ndaiva ndisina mota kana imba zvandaiti zvangu, nyangwe dzidzo chaiyo ndaiva ndisina, asi ndaiva nechiono uye vakandigamuchira nekundikurudzira. Mudzimai kana musikana asingakukurudzire haakodzere nyangwe padiki pose kuti ufunge wanano naye. Kune vanoona chiono Chako kupfuura iwe muridzi, WAKAKOMBORERWA kana ukawana akadaro.


Mwanangu, vhura nzeve, kune mhando dzaunofanirwa kuzvinzvengesa, usakanganisa uchiroora munhu akadaro, ukazokungura ... ndinoreva vanhukadzi vanoreva zvakaipa pazvinhu zvose.

Ukaona akadai TIZA!

Umwe wevakaipisisa waungawana ndemhando iya inoshoropodza chero chinhu,ukatenga ichi iye anoti dai watenga chiri ichi, ukaita ichi iye oti kwete wadiii waita chiri ichi. NDAPOTA TAMBIRA KURE!


Vanhukadzi vazhinji vanofarira kutaura asi uyo anotaura kwenguva refu oterera nguva pfupi, chimbambaira chakamirira kutsikwa. Iva nehuchenjeri! Ngwarira avo vanonyengera muhupenyu (pretending partners). Vanonyengera havanetse kuona, ndevaya vanoziva zvose pachinhu chipi nechipi, vanoita sevakarongeka. Ingovhara maziso ako wozarura moyo uchavaona.

Hakuna munhukadzi akanaka pazvose,ukaoma munhukadzi anotendera muchiono chako,ane rukudzo kwauri,ane kuzvipira,asina chindini. NDAPOTA USAMUSIYA ACHIENDA.

Rangarira, usava munhu anomhanya pakuita zvinhu!

Ndakudzidzisa mwanangu.

Ukawana mudzimai akanaka iwe uri murume akaipa,wanano haifambe zvakanaka.

Handingakusarudzire Mudzimai asi ndinokupa mashoko ehuchenjeri.Kana wamuwana huya naye ndikupe ropafadzo yangu.

Mwari vakubatsire uwane mudzimai anokurudzira kwete anokudzikisira.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp