Verenga Idzi - Nzira Dzokuuraya Nadzo Murume Wako Nekukurumidza

Mwedzi wapera muvakidzani wangu akanodembera vabereki vake! 

Mwanasikana: Amai handichazvigona zvemurume wangu,bndoda kumuuraya asi ndinotya, mungandibatsirawo here.!

Amai: Hongu mwanangu,ndinokwanisa, asi pane dambudziko diki riripo. Unofanirwa kutanga wakunyatsowirirana naye kuti pasave neanozokufungira kana afa. Unofanirwa kumuda nekuva rerudo kwaari.

Tenda, Moyo murefu, kuzvininipisa. Muone semwana wako kwete seshamwari ... Usazvida, iva unoteerera kwaari kunyanya uye usamushora.

Mwanangu ndinoziva unozvigona,usazvitarisira pasi,basa ratotanga nhasi,unozvigona here?
Nzira Dzokuuraya Nadzo Murume Wako Nekukurumidza
Mwanasikana: Hongu amai!

Amai: Zvakanaka,chitora muti uyu wekumuuraya,zuva roga roga isu tushoma muchekudya chake uye achafa zvishoma nezvishoma

Mushure memwedzi,mwana anouya kuzoudza amai vake zvakaitika

Mwanasikana: Amai, handichada kuti afe, ava kundidisisa nekuva nehanya neni. Ndava kumufarira,ashanduka.Ndoita sei Kuti mushonga uya usamuuraya

Amai:  Hahahahahahaha

Mwanasikana: Ko mava kusekeiko nhai? Asi hazvichadzoreka?

Amai: Kwete,mwanangu,usatya hako chandakakupa yaiva flour.Haasi kuzofa.

Pachokwadi, mushonga waiva mauri, pawakatanga ruvengo, kusamuda uye zvaiuraya kupfuura muti, saka ndakashanda iwe kwete murume wako.

Mwanasikana: Ummmmmm,ndatenda mhamha!

Tips: Fara iwe woita kuti vakakutenderedza vafare.

Ukatanga kuda murume, mukadzi, mukoma, sisi, amai kana baba uchaona kunaka kwavo. Usamirira kuti atange arwara, kufa kuti uzoda kana kugamuchira nekupemberera munhu. Usati wakunun'una tarisa kuti dambudziko harisi kwauri here, garai murunyararo nevakatikomberedza!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp