Please For Marrieds and 18+ Only - Murume Anokurumidza Kurasa Mbeu!

MURUME ANO KURUMIDZA KURASA MBEU MUKADZI ASATI ASVIKA: Izvi zvinonetsa kutsanangurira murume kuti kukasirira mukadzi zvinoita sei kumukadzi wake asi regayi timboedza kutaura.

Kukasirira mukadzi zuva nezuva chinhu chinoshungurudza mumwe wako kusvika pakufunga kuti akakanganisa pakusarudza murume asinga gone bode asi unenge uchigona hako asi uno kurumidza kurasa mbeu mukadzi wako asati asvika.

Kana uri mumwe anorasa mbeu nekukurumidza chombo chako chozoramba kuzomira futi harino SHOKO RAKO.
Murume Anokurumidza Kurasa Mbeu!
Ita Romance kwenguva yakareba kana kupa mukadzi CONTROL yeROMANCE atambe newe madiro kusvikira iye mukadzi abata chombo chako ega kuisa mukati, ukango daro chete unonzwa mukadzi akutanga kushinyira ega nekuti anakirwa neROMANCE yese zvekuti unogona kungo koyira katatu chete mukadzi anenge atosvika nekuti anakirwa neROMANCE.

KOITA Iyi iri muTop three panyaya dzinofungisa mukadzi wemumba kumboda kuhura. Varume svinurai nokuti akahura, ukamubata, ukamuramba, wechipiri waucharoora achakuhurira futi nenyaya imwe cheteyo, wobva wapedza mari uchienda kun'anga dzinokuudza kuti une munyama unoda mari kubvisa, izvo bodo uri kungotadza kugutsa vakadzi wako nechombo chako chete.

Kazvinji varume muno varayirwa muchiti mukadzi wangu zvandaita ndizvozvo asi munenge masiya mumwe panguva yakaoma chokwadi. Chinozonetsa ipapo ndechokuti mukadzi anotanga achitaura kuti huya futi kana kuti ndoda kuti tiite mbonde iwe uchita anonetsa, asi chinangwa chake anenge achiti wapedza ndichiri kuda kunakirwa, marounds haana kana nebasa kana rese kana uchinge wagona kusvitsa mukadzi wako pekutanga. Mukadzi akasvika chete paunozoita round 2 ne3 unenge wakuzvifadza wega.

Vamwe vanoita ma25-30 mins asi vasiri kusvitsva mukadza kutambisa sumba remukadzi uchingo chukucha chete pasina kana zvauri kugona. Saka varume musaite humbimbindoga (selfish) pabonde kuti mukadzi azosvika pakuona kuti kutaura kwake hakuna zvakuri kushanda nokuti murume haasi kuterera obva angonyarara, murume uya asina asinganzwe ongoramba achidaro.

Vamwe vano pedzisira vakuti zviri nani kusatombo rara nemurume pane kuti uku zemo rakwira waTOTESA nhengo ZVEKUTI uri kutoda kuti murume dai achipinda, iye opinda obva angoita seoda kukoira obva ati apedza.

Mukadzi otosiiwa pasisina chake. Vakadzi vakawanda vanombosvika pakadai. Unotonzwa rume riya ranga richisiririka zemo 2 minutes ago rava kutoridza NGONONO kuratiidza kuti nhamo yake yapera zvake zvaita.

Vamwe ipapo ndipo pavanozvibatsira nemaoko nokuti zemo risina kupedzwa rinoita nguva kubva rega. Unotomboshaya hope naro ZEMO racho, ipapo uchingonzwa ngonono dzemurume ange achifanira kupedza zemo rake unombofunga vamwe kuto chema misodzi yomboerera yoga zvayo neshungu, achizvibvunza kuti chandakanganisa chiiko apa ... omboda kuziva kuti pane musi waakabonyatso gutswawo newe here akanzwa parere moyo wake, anogona kuona semwedzi miviri yekatanga kuroorwa kwake pa5 years dzaagara nemurume mumba.

Mukadzi anotanga pfungwa dzinotanga kusvika pakufungira murume zvakaipa kuti ane mahure, kuti haachandidi, ari kundishandisa, ari kuita hutsinye chete. Iye murume wacho ipapo ava kutorota zvake iwe wakangosvinura.

Iwe paunozvibatsira iye ahaatombonzwi kuti kurikuitikei nokuti iye aguta saka hope dzabata. Asi paanomuka anoda RESPECT hanzi ndiri murume wako pano ndiri baba, zvinoita here!?
Kana uri murume anokwanisa kunzwa zvandataura izvi murume anotanga kunzwisisa kuti nyaya yeku kurumidzira mukadzi yakaipei. 

Kana uchiziva kuti uri kukurumidzira mukadzi wako, yedza kurega kurara naye hako usina kumugutsa kusvikira asvika neROMANCE chete. Zvinoreva kuti iyi inyaya yokuti iwe murume kana une dambudziko rekukasira kusvika, tanga kuudza mukadzi kuti wave neDambudziko iri nekuti kunyarara chinhu chakaipa zvokuti munoda rubatsiro mese mochitanga kugadzirisa nyaya. 

Inyaya inogadzirika saka gadzirai mese mumba nekutaura.

Vazhinji vakabva neko vachingo nyeperwa idya zondo, ita doggy style zvinoita, asi kunenge kuri kunyeperana chikuru kutaurirana mumba menyu muona zano muri pamwe chete, vamwe muchangoroorana paya muchiti kungo svinura chete motoda kuita bonde, murume anombononoka nokuti muri kuwanza ROMANCE. kunozoti mava mukadzi nemurume, mukadzi akuda zvinhu zvake ndipo dambudziko rinotanga. 

Udza murume wako kuti munofanira kuwedzera kubonde kuti nguva imboreba murume ajaira kudziya kwemukati memukadzi wake.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp