Pfungwa Dzemunhukadzi Paanobvuma Kuroorwa!

Kuroorwa kumunhukadzi neimwe nzira kuzadziswa kwezvishuwiro (dream come true), munhukadzi wose anoda kuroorwa neshuwiro yekuva nemhuri inofadza nemurume waanoyeva nekuda.

Asi dzimwe nguva hazvidaro,vazhinji vane zvakawanda muhana zvavanotarisira vasati vawanikwa:

1. Anoda wanano yakazadzwa nemufaro nekubatana hupenyu hwose.

2. Anoda murume anomuda kwazvo,mukunaka nemukushat kwazvo.

3. Murume akavimbika,zvinodzimba Moyo kuona nekunzwa Kuti Umwe wake arikubuda mumba

4. Kuva chidadiso chemurume wake,uye Kuti iye agomirawo naye.

5. Anoda rukudzo.

6. Anoda kwete kungodiwa asi kuva murume chaiye vanozova baba vakanaka.
Pfungwa Dzemunhukadzi Paanobvuma Kuroorwa!
7. Anotarisira kuva nevana nemurume wake nemhuri yakanaka.

8. Kuva mudzimai namai vanodadisa.

9. Kufara pabonde nemurume wake ega.

10. Anoda Kuti murume wake arambe achionekera kwaari nguva dzose iye achionawo runako.

11. Kuvaka wanano nemurume uyo waanokwanisa kugoverana naye nekunzwisisana.

12. Anoda kunzwikawo.

13. Haade Kuti murume wake avanze zvinhu, anoda kuva pakati pemoyo wemurume wake.

14. Murume anomusimudzira pazvishuwo zvake,sezvanenge achizoitawo.

15. Haade Kuti wanano izorwadza munguva inozotevera, hakuna mudzimai anozvida.

16. Kuti murume wake amude nyangwe aine utera.

17. Panzvimbo yekushoropodza,anoda munhu anomudzoreredza nekuvatsira kumuvaka.

18. Kukwidziridzwa, kudiwa. Rudo rweumwe wake kuti rusapera.
19. Murume anozova baba vakarongeka.

20. Murume waanotaura nyaya dzakadzika dzine hukoshwa. Murume anomunzwisisa uye asingamushaire nguva.

21. Murume anokwanisa kuregerera.

22. Murume anoita sekunge achiri kupfimba,zvinoratidza kuti anomuyemura sei nekumukoshesa sei.

23. Anoda kufara nekuva nenguva yakapombonoka nemurume wake.


Panguva yekuri 'ndada', Pfungwa dzose idzi dzinotenderera maari. Ndezvimwe zvinotarisirwa nemudzimai paanotendera kuva shamwari yeupenyu.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp