Ndagadzirira Here Kuroora Kana Kuroorwa?

Unofanira kutanga wanyatsozviongorora usati wapindura mubvunzo uyu. Somuenzaniso imbofunga zvinhu zvinotevera:

1. Mabatiro aunoita vamwe: Unombotadza kuzvidzora here paunenge uchitaura navo, zvokuti pane dzimwe nguva unombotaura mashoko akashata kana kuti okunyomba paunenge uchida kuburitsa zviri pamwoyo wako? Ko ivo vanoti kudii nezvako panyaya iyi? 
Ndagadzirira Here Kuroora Kana Kuroorwa?
Mabatiro aunoita vanhu vomumhuri anoratidza mabatiro auchaita munhu waucharoorana naye.—VaEfeso 4:31.

2. Maonero aunoita zvinhu: Uri munhu anonzwisisa here kana kuti uri chandagwinyira? Uri munhu anobhabhauka here kana zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka? Une mwoyo murefu here? Kudzidzira iye zvino kuva neunhu hwakanaka hunotaurwa pana VaGaratiya 5:22, 23 kuchakubatsira kuti uzova baba kana kuti amai vemba vakanaka.


3. Mashandisiro aunoita mari: Unogara uri muzvikwereti here? Unogona kuchengetedza basa here? Kana usingagoni, chii chinoita kuti zvidaro? Imhaka yebasa racho here? Munhu waunoshandira here? Kana kuti une unhu kana kuti zvimwe zvaunoita zvaunofanira kugadzirisa? Kana uchitadza kushandisa zvakanaka mari yako, unozozvikwanisa sei kana wava nemhuri?—1 Timoti 5:8.

4. Kunamata kwako: Unoverenga Shoko raMwari zuva nezuva here, uchiparidza uye unovawo nezvaunoita here pamisangano yechiKristu? Munhu waucharoora anoda munhu akasimba panyaya dzokunamata.—Muparidzi 4:9, 10.

Paunowedzera kunzwisisa zvauri, zvichakuitira nyore kuwana munhu anokubatsira kuti uwedzere kuita zvakanaka.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp