MUST READ: Chivi Chinourayisa SeNyoka!

Do not play with sin!

Umwe mukomana aifamba nevasikana, saka pavasikana ava pane mumwe waaida. Vakomana vazhinji vane hunhu hwekuti kana paine musikana wake anoda kuonererwa zvisingaiti. 

Zvino vakati vafamba vafamba vakasangana nenyoka, vasikana vakamhanyira kumusana kwake vachiridza mhere kuti "nyoka kani, nyoka." Iye akamera zenze akati, "munotya nyoka, aaaaaa nxinxinxi, haityise iyi."

Chivi Chinourayisa SeNyoka!
Akabva aita seanoenda kwairi ichibva yatiza ndokunopinda mumwena. Achiona izvi manyawi akasimuka akanzwa kuonererwa kwese. Vasikana vakati, "handei yatiza," iye akati "aiwa yapinda mumwena uyo, ndinoda kukuratidzai kuti nyoka haityisi." Sezvamunongozivawo kuti kana nyoka ikapinda mumwena inonodzoka, musoro ndiwo wouya kumusoro, mukomana uya akabva ati, "honai o - o. Mungatya Nyoka chaiyo yandiri kubaya baya nechigunwe." Vasikana vakayedza kumuudza kuti asadaro asi akaramba achidhokonya dhokonya mwena wenyoka iya nechigunwe ndokubva yamuti -N'a- kumuruma.

Paakanzwa kuti arumwa akabva aburitsa ruoko akati handei akaisa ruoko muhomwe. Vasikana vakazoona mood yachinja vati fambei fambei, vachibva vabvunza kuti, "nhaiwe kuti nyoka iya haina kukuruma here?" Zvikanzi, "ha, umm, eee ndarumwa mbijana." Nyamba nyoka haina mbijana mukuru, iyo tsvaru iyoyo kurumwa and unofa. Ndizvo zvakaita chivi hauti kadiki diki, unoenda ku Gehena nekadiki diki. Haikona kuonererwa navanhu uchiita zvinhu zvinokurumisa nenyika!

Oh Hareruya Hareruya ... daira amen, satan abhoikane. Usawonererwe nenyika iwe uchienda kugehena! Gashira Ishe Jesu saMambo naMponesi NHASI!
Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp