Madzimai Muri Vavaki Vemisha Here..? Muvaki Akachenjera neMuvaki Akapusa Anopunza!

Zvinonakidza kuona vanhu vachiita basa, umwe neumwe achibata pake kusvikira pakuda chinhu chakanaka. Izvi zvinondirangaridza isu vaKristu Kuti tinofanirwa kubatana semuviri mumwe Kuti tivake nekunatsa (VaEfeso 4:15-16)

Mupostori Peter anoreva Kuti ..."muri matombo arikuvakiswa imba ...1 Peter 2:5. Kufunga magwaro aya kunoita ndiuye pedo nenyaya yangu - Zvirevo 14:1 ... Mudzimai akangwara anovaka musha wake, asi akazungaira anopunza nemaoko Ake. Ngationgororei mhando mbiri dzamadzimai. Umwe muvaki Akachenjera anovaka musha. Umwe izungairwa anopunza musha wake.

MUVAKI AKACHENJERA!

Mudzimai akachenjera anovaka musha nenzira dzakasiyana, timboona shoma:

Anotsvaga uvepo hwaMwari nguva dzose. Anonamata kuti Mwari vatungamirire sarudzo mukushandira Mwari,mukuzvininipisa kumurume wake. Mukuzvara, mukushandisa zvipo,mukunotenga zvekushandisa mumba nepanzvimbo dzose dzoupenyu

Anotsvaga upfumi pamweya, hwaMwari kupfurikidza nekunamata."Kubudikidza nehuchenjeri imba inovakwa,nekunzwisisa inomisikidzwa,neruzivo imba yozadzwa nehupfumi (Zvirevo 24:3-4 verenga 8:10-11 nekuti mutemo waMwari, ruzivo, uye uchenjeri zvakakosha kupfuura sirivha nendarama. Anochengetedza zvinhu izvi pamweya ozvishandisa kuvaka kufambidzana kwake naMwari,nemhuri yake uye nevamwe.

Anochengetedza imba yomweya yakachena yakarongedzwa, uyezve imba yakewo. Anoshandisa mweya waMwari kuchengetedza Moyo wake, kukurira zvakaipa,makuhwa, kutaura zvakaipa.Haatenderi pfungwa dzake kuvhiringidzwa nezvenyika."USADA nyika Kana zviri munyika. Uyo anoda nyika, rudo rwababa harusi maari, nekuti zvose zviri panyika-ruchiva panyama,ruchiva mumeso,nekuzvida muhupenyu-hazvisi zvababa asi zvenyika" (1 John 2:15-16).

Tinonzwa Kuti ... Kana wakakudzwa munaKristu,tsvaga izvo zviri kumusoro, uko kwaari agere kurudyi rwababa. Isa pfungwa pazvinhu zvekumusoro, kwete zvepanyika (vaKorose 3:1-2).

Haatendere kugara mukuchengeta zveupenyu kusvikira zvamusvitsa pakukura pamweya.

Anotsvaga nzira dzekuwandudza upenyu hwake nehwevamwe.Zvakawanda zvinoitwa nemudzimai kuvandudza matende ake, zvichimuvandudzawo se:kusimudzira mhuri mune zvefundo zvemaoko nezvimwe zvetsika nemagariro.

Vana vakadzidziswa nekuudzwa pahuduku hwavo,zvinoita vakure vachizvida nekuzvifarira. Kubuda nemhuri, kuenda kunoridzwa, kunoona zvakachengetedzwa (museums) ... zvichingodaro daro.
Woman You Are A Home Builder - The Wise House-Builder vs. The Foolish House-Wrecker!

URI MUVAKI AKACHENJERA HERE KANA KUTI MUPUTSI: Tinoziva tinofanirwa kuita tichiisa zvose pamweya kuti zvienderane. Chakakoshesa kusimudzira upenyu hwako nevamwewo, muutano, munguva nezvemariwo.


MUVAKI AKAZUNGAIRA!


Regai Tione Kuti Anopunza Sei Ega.

Anozviita muzivi,asingaite kuda kwaMwari,anoramba kuiswa paakanzi naMwari amire mumba nemukereke. Ndisati ndadanwa kukereke, chidzidzo chikuru munharaunda chaiti mai nababa vanotonga zvakaenzana pamba.Taigarobvunzana nemurume wangu kuti mutongi mukuru pano ndiani. Ndainge ndakutofunga kuti bhaibheri parinotidzidzisa kuti murume ndiye musoro wemba kwaive kusara.Mushure mekunzvera magwaro ndakaziva kuti shoko ndorine chokwadi (John 17:17. Zvakare Mateo4:4. Ndakapedzisa ndichiti Mwari ndivo vakuru uye vanoda kuteererwa - VaEfeso 5:22-23 ... 1 Corinthians 11:3, Ndinoda muzive musoro wemurume wese ndiKristu,mukuru wemudzimai murume uye mukuru waKristu ndiMwari.

Mamwe Madzimai anobva munzvimbo dzinosimudzira vakadzi kunyanya,chokwadi Ichi chingangorwadza uye kurema kugamuchira.Kuzvipira zvose kuna Mwari kunogona kunetsa,asi ukakutanga kunounza runyararo nerugare.

Kune zvakawanda zvinowira madzimai,sezvo tava kugara mune zvebonde zvanyanya,vechidiki vanyanya,vomanikidzirwa kuita zvekuti zvekugadzira nekuwandudza miviri yavo (plastic surgery, botox)

Madzimi haachagutsikana nekuputana,vorwisa Kuti varambe vari vadiki zvachose...Aaaaah
Semudzimai mutendi usawira mazviri,hunyengeri. - James1:27

Ungarega kugara pedo naShe nekusanamata, kunzvera, kutsanya kusakura muzvinhu zvaMwari. Zvakanaka kuva nehunhu hwekuita izvi.Vana vakaziva Kuti baba namai vanoda nguva naMwari vanizvigamuchira.Vanodzidzisika munzira iyi.

Pasina kuchengetedzeka kwakanaka imba yako mudzimai inopunzika igoparara. Proverbs11:22

Mudzimai akanaka ikorona kumurume wake,asi uyo anoshungurudza akafanana nepfupa rakaora -Proverbs 1:24

Hupenyu hunogona kurwadza, kuona zvakawanda zvisingfadze. Kuzvitendera kunokwanisa kukuparadza, Proverbs21:19 - Hakuna anod kuva pedyo nemunhu akafundumwara, nekuti hazviunze mweya wekugadzikana. Proverbs 17:14

Pauro anoti ... Zvinogoneka chose zvichibva kwauri Kuti tigare murunyararo navose-VaRoma12:18, kuna Mateo 5:9 tinoudzwa Kuti takaropafadzwa tikaunza runyararo ...Verenga VaPhiripa 4:6-7

Mukupedzesa, tichienderera mberi mukuvaka imba yedu,ngatibatei mashoko aKristu, "Uyo anonzwa mashoko angu, omaita, ndichamuita muvaki akachenjera anovakira imba yake paruvare: mvura yonaya, mafunga anouya, mhepo ichavhuvhuta ichirova imba asi haizowi nekuti yakavakirwa paruvare"... Mateo 7:24-25

Sevavaki vakangwara,ngativei vaiti kwete vanzwi chete - James 1:22.

"Kunze kwekunge Ishe vavaka ivo imba,avo vanovaka vega vanovakira pasina, kunze kwekunge Ishe vachengeta guta, vachengeti vanochengetera pasina"- Psalm127:1
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp