HOUSEWIVES READ: Zvinhu Gumi (10) Zvinofanirwa Kufungwa NaHouse-Wife

1. Unombofungawo here kuti murume akafa iwe usina kana ability yekutenga even maputi unotangira papi?


2. Ko murume akarwara kana kuremara munobhadhara nei rent kana fees yevana?

3. Ko murume akaenda nepfambi,small house and abandon the family? Unoita sei? Kuchungochema? Vese vane varume vakaenda ava vaitomboraramawo good life navo

4. Ko basa remurume rikapera? Mototambura as if wakaremara?

5. Saka iwe mai vako,baba nehama dzako hautorinawo kana hwani chaunovaitira unless murume akupa mari?
HOUSEWIVES READ: Zvinhu Gumi (10) Zvinofanirwa Kufungwa NaHouse-Wife
6. Izvozvo zvekugutsikana nehu house wife zvinoitwa nemukadzi asina kuvhurika pfungwa or asitorina pfungwa dzacho zvachose.


7. Varume vanorambidza vakadzi kushanda vanovaisira mari every month mu account isingabatwe.

8. Kana shewe vati usashande,fair and fine but ngavachikupa mari inogara mu account yako for purposes of the future.Unogona kuti imba ndinayo etc but musi unofa munhu unoona pakubuda vana vamwe 8 and mutemo unoti vese vane kodzero pamba iyoyo

9. Unotonzwa umwe achitoshaina Kuty hee ini Ndiri kudya ndigere asikana.... Kudii kwacho, musi waanoti dhiii zvokwadi vamwe Vanofenda apa.

10. Imba iyoyo yaugere nemota yaunodriver zvinotorwa neBank murume afa nekuti pamwe zvakatengwa nemari yechikwereti. Saka simuka ushande Kwete kungoti pweshe senhanga riri mumunda apa. Please madzimai musabvume kugara pamba usina mari iri kupinda mu account. Ah kwete. Hatidi izvozvo.

Changamukai Madzimai! Kurara hope kugarika isu kwedu hatimborara!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp