Zvinhu 13 Muwanano Zvaungada Kuziva Kuti Wanano Yako Ifambe Zvakanaka

Hakuna munhu angada kuti wanano yake ikundikane,kuroorwa kana kuroora usina kugadzirira wanano zvoreva wazvigadzirira kukundikana muwanano usati wapinda mairi.


1. Usave munhu anokurumidza kupa mutongo uye regedza kuita semunhu arinani kupfuura umwe wako. Ziva Kuti tose tiri Vanhu uye tinokundikana dzimwe nguva

2. Kana uchishuwira rukudzo rweumwe wako,ziv kut umwe wako ndiye anouya pekutanga nguvadzose

3. Kuchengeta zvinhu muhana hakuna chakunogadzirisa. Umwe wako haasi muravi wehana, ukanzwa sewakanganiswa kana kugumburwa neumwe wako edza kumuonesa nenzira ine rukudzo zvaakanganisa.

Umwe wako ane kodzero yekuziva kuti urikunzwa sei, urikufungei ... budiranai pachena.

4. Kana uchida kuti murume wako akuone samambokadzi,usarega kumupa rukudzo.
Zvinhu Gumi Nezvitatu Muwanano Zvaungada Kuziva Kuti Wanano Yako Ifambe Zvakanaka
5. Sarudza nhaurwa dzako nomazvo,ndava ndimwe nyaya hadzikodzere kunetsekana nadzo.Riswa kuedzwa kutanga nhaurwa ndinokonzera makakatanwa neumwe wako.

6. Umwe wako anodawo kufamba anyora mashoko noti,"ndinokuda "... mazuva ose,usarega zuva richidoka usina kubvira wakudza Umwe wako Kuti unomuda nemoyo wose.

7. Usabatikana nebasa zvekushaira umwew wako nguva,gadzira nguva nemukana wekuva mose nemudikani wako nguva dzose.Umwe wako anodawo kuonekwawo newe nekuudzwa mashoko anotapira.

8. Varume kana muchida kuoneka samambo dzidzai kuona madzimai enyu sanamambokadzi. Ipai madzimai enyu mukana nenguva zvaanodawo iye achakubatai zvamunoda samambo.

9. Umwe wako anodawo kutendwa nguva dzose nyangwe pazvinhu zvidiki diki,kuratidza rutendo kunozarura masuwo emoyo wemudikani wako.

10. Vabereki vasina nyadzi vanokakavadzana nekurwisana pamberi pevana.
11. Chengetedza rurimi uye ziva mashoko aunoreva kune umwe wako.Edza kusashandisa mashoko anorwadzisa Moyo munguva yemakakatanwa nekuti shoko rarehwa haridzoreke.

Usaparadza wanano yako nerurimi rwako.

12. Murume chaiye anovimbika kumudzimai wake.Sei kuteera amwe madzimai ekunze iwe uchikwanisa Kuti wako aonekerewo uye Kuti anake.

Murume chaiye anochengeta mudzimai wake uye anoteera iye oga.

13. Mari, kuonekera nezvose zvinoyevedza nokufadza munyika hazvikupe wanano ine mufaro.

Kuvimbika,rudo rwakadzika rusina muganhu,kuzvipira kusvika murufu,ndozvinodiwa Kuti wanano inakidze

Ropafadzwai
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp