Dzikisa Gejo - A Must Read If You Are Thinking About Giving Up!!

Ana Simon Peter havana kuchinja dam rekuredza hove asi vakaudzwa kuti vakande pakadzikadzika ... Nyaya haisi yekuchinja church ... Nyaya haisi yekuchinja basa ... Nyaya haisi yekuchinja murume ... Nyaya haisi yekubuda murelationship .... Nyaya haisi yekusiya business ... Nyaya haisi yekuchinja medication ... Asi nyaya iri pakuti urikuredza pakadini?

Chinamato chako chakamira sei amai. Skero yenyu yekunamata yakamira sei mukoma. Manamatiro enyu anokusiyayi papi. Dzikisai gejo hama dzangu. 

Ana Peter vakarara husiku hwese vachiredza asi hapana chavakabata asi Jesu asvika akati kandai pakadzika dzika mambure akadambuka hove dzikawandisa. Havana kuchinja position kana dam but ipapo pavakarara vachitadza kubata hove ndipo pakadimbura mambure ... Mambure mamwe chete dam rimwe chete asi paita Jesu ati dzasai pakadzika dzika. 
Dzikisa Gejo - A Must Read If You Are Thinking About Giving Up!!

You never married the wrong partner ayewa ... basa rako is the right job for you. You are in a right relationship ... Church yako iri right chose asi chinjai manamatiro ... There's no need for you to blame your husband asi Jesu vasvika vati dzikisa gejo ... Kana waimbonamata kamwe chete pazuva now wedzera nguva yekunamata ... Kana waingonamata usinga tsanye now it's time to fast ... Kana wanga usingagone kuverenga bible now it's time for you to buy your bible ... Urimo mumba imomo usina kutiza murume usina kuramba mukadzi chinja manamatiro ako ... Pabasa pako ipapo usati wakanda resignation letter dzikisa gejo ... Naye mukomana wako iyeye wauri kufunga kuti haarore pinda mu fasting ... Hakuna chinokona kana Jesu vareva .... Hazvichade munamato wesadza izvo zvave kuda kutosimbisa mambure ...!

Hazvinei kuti mave nenguva muchingochema dambudziko risingashanduke ... Hazvinei kuti mave nemakore muchingodanana pasina kuroorana ... Hazvinei kuti wagarisa pabasa usati wasimudzirwa ... Hazvinei kuti business rako rave ne nguva riri pa same position ... No need to change doctor nekuti hurwere hausi kushanduka ...!
Kana uchida bvunza miti inokuudza kuti ndaane 20 years ndiripano ndichitemwa nematombo vana vangu vachidyiwa mashizha angu ose achidonha mhepo, mvura zhinji nezuva zvinongondiwana ndiripano asi hapana kwandakaenda. 

Hama ukava nemidzi munaJeso haufe wakawa, haudonhe unoramba umire, zvikuru modyara rudo muhana dzenyu kuti mweya waShe uwane pokugara. 

Have a blessed day!!

Adopted By Apostle P. Sibiya!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp