Madzimai Anoti Varume Ipwere Chaidzo - Ichokwadi Here?

Mwana mudiki akashaya chaanoda mumba or ukamunyima chinhu anongobuda onotamba kunext door okwata hake odzoka kumba oti zii, pamwe unozoona nemadyiro acho kuti anenge akwata.

So does varume, kumunyima chakanoti chiya unoti wamukaurisa yet watomupa mukana wekunokwata. Varume kurai...vakadzi musanyima wako murume, 1 Vakorinde 7.

Mwana mudiki anongoda ku taster taster haagutsikane hazvinei kumba kwavo kunodyiwa zvinonaka sei, akangoti pote kuona akabata chake wotonzwa tinzwe ndi gwedurirewo, so as man....chero uite chikapa chengwena ugeze sei umubate zvinengei...unozongonzwa kuti ahura vana mugoni chokwadi. Mugoni wepwere ndeasinayo.
Madzimai Anoti Varume Ipwere Chaidzo - Ichokwadi Here?
Mwana mudiki haana secrete akasvika kwaanofadzwa akanzi taura ndikupe sweet unonzwa otobvotomoka twese mai na Dady vangu vanozodai, so as man kungo bvisirwa braa ne chifeve unonzwa akuto bvotomoka hee mukadzi wangu haaana ma tingling heee anotambisa mari heee chino nechino nezvimwe zvekunyeba. Chaari kuda kupiwa zvaarikuda.

Mwana mudiki akaita chaaita anokunyepera zvekuti you will be the last person to know uchingoti wangu haadaro. So as man vane nhema dzimwe dzekuti unogutsikana kuti ndiye akagadzira nyeredzi dziri mudenga afuridza hake nhema unozoziya pave paye kuti iya ko paye ndaivharwa kunge botoro re coke.

Ka mentality kekuti mama this mama this vamwe vacho akaperi. Mwana kungomuti tsvaru unonzwa oti ndovaudza mama vangu woona mai vacho vavakuuya vachivava. So as man unozongonzwa amwene vakuti mwana wangu this and that wotoshaya kuti vazviziirepi zvamaitukana mu bedroom muri two...they will remain babies.

Aiwa kuvaraidzana zvedu kuti tisvike pakuti varume, nemi vakadzi ngatikurei nekuchenjera. Kuziva Jehovah ndiko kuvamba kwezivo, kuziva Mutsvene ndidzo njere. Benzi ndorakati mumoyo maro Mwari hakuna, Mapisarema oti! Varume daira kunaMwari tibve muhupwere...madzimai ngatipinde munaJesu tikure. Mangwana chaiwo ngatiendei kukereke tinamate Mwari!

LIKE, COMMENT and SHARE
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp