Ndakazvionera Ini: Zai Kutaura Neni!

Pana Johanne 3:3 Jesu akaburitsa pachena kuti, kana munhu asina kuzvarwa patsva hazvibvire kuti aone humambo hwaMwari. Zai ndorakandiparidzira zvandakada manje. Zai rikazvarwa kekutanga rinongoramba riri zai. Mai vakasarivhumbamira ahi rinotoora. Asi mai vakarivhumbamira, iko karimukati kachitodyawo nekukura unozoriona ratsotsonya/chochonya pobuda kanhiyo kane hupenyu kanoonawo zuva rakaisaziva. Zai rinozvarwa kekutanga, asi rikasazvarwa kepiri hapana kuona hupenyu! Izvi ndakazviona pataichengeta huku. Musi uyu, zai rakataura neni!

Zai rinofanira kutsotsonyawo
Mudikani, semuvhangeri ndinorwadziwa kukuona wakanaka manakiro awakaita aya...kutsuka, kusvibirira, iyo nhamo kana mari yako, nedzidzo yese iyi asi wakazvarwa kamwe chete. Wese akazvarwa kamwe chete haagoni kuona humambo hwaMwari, sekanhiyo kasingagone kuona hupenyu kasina kuchochonya...every egg that sees life is born once, then gets born again! Mwari vanzwa nekumirira kuti, zai rangu richatsotsonyewa riinhi ribve murima rione chiedza chinonzi Jesu. Chokwadi rikaramba rakadaro zai iri richaora. Unotozoona nemabasa acho anoraramiwa kuti um-m apa paworewa...mashoko acho um-m...ruchiva rwacho...kuh**ra kwacho...kutorera vamwe varume nemadzimai avo...godo neruvengo zvacho...kuuraya...kubata chibharo...kusvotora mimba...um-m zai iri raakutoshata. Amwe mazanda acho anotozonyegererwa nemishina kuti achochonye. Neniwo ndatozouya pamushina wauri kuverengera nyaya ino ndichiti, "HAMA YANGU ZVARWA PATSVA KUBURIKUDZA NAJESU KRISTU. WOSE ANOZVARWA KAMWE ACHAFA KAVIRI, ASI ANOZVARWA KAVIRI ACHAFA KAMWE, shure kwezvo opinda muupenyu usingaperi."
Ndinovimba nhasi zai rataurawo newe!
By Apostle Pride Sibiya.



avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp