A Must Read - Ko Wako Zvaakanaka Wani?

Hama ichokwadi kana uchifamba mudhorobha unoona kuti kune shangu dzakanaka kudarika dzawakapfeka asi hama remekedza shangu dzawakapfeka nekuti ndodzako.

Usasvora hembe yawakapfeka nekuti waona iri muchitoro. Varume kunyanya kunze uko kunoita sekune vakadzi vakanaka kudarika waugere naye. Unonzi munakire kure mvura yemubvumbi hakuna anokunda mudzimai wako waunaye mude nemoyo wese uchaona runako rwake.
A Must Read - Your Partner Is Also Beautiful and Good Looking!
Kukura kwemurivi kudiridzirwa nekusakurirwa chenesa wako mukadzi adye zvinonaka azorewo zvinonhuwira. Ngwarira kuswera watevera vaye vaunoona vane hunhu hunenge hwejuzi rakadhamba rinotangira vatenzi kugeza maoko mumakwato. Vana mai mudzimba haikona kusvora varume venyu vakuroorai muchigere mese nekuti vanokudai dai vasina rudo nemi makasiyiwa kare. 


Mudzimai ndewekushambidzika zve musoro vhudzi rorongedzwa vo kanhi kwete kuzoita kunge n'anga ichangopera shavi. Munhu wamukadzi shereketa kuzvinatsa kani vamwe venyu kubva wachengeta hairstyle imwe kunge shiri. 

Rudo moto runoshukudzirwa kanhi. Itai kuti varume vakare kuuya kumba vapei mutapi dongo werudo kanhi. Dzimba idzi dzakaoma kanhi kana unayo batisisa kana ukaibuda kuidzokera zvinotora nguva. Haasi ose mazuva acahanikadza mudzimba asi baba namai rudo pamberi. 

Chakakoosha kugashira Jesu saIshe naMambo vhiki ino chaiyo tototanga kuenda kuKereke, dzimba dzakabva kunaMwari ndivo bedzi vanodzigona! Apostle vapedza, chitumirawo umwe nyaya ino, wogara uri pamapages angu paF.B. Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp