GIRLS MUST READ: "Shaa Kani Tinzwe": Ramba KuTest-wa!

Hameno kuti kwenyu ndozvavanoitawo here asi kwedu panzira yekuenda Chitungwiza vanombositengesa manwiwa, makebe kana kuti mawatermelon kune vechizvino. 

Mumota macho anenge akazara uye asina kutsemurwa asi panoita rimwe chete ravano tsemura rinogara rakavhurika. Iroro vanoitira kuti vanoda kutenga vauye kuzodya kadimbu kuti vanzwe manakiro emanwiwa avo. Pavanongonzwa manakiro aro vatengi vanobvunza kuti anoita marii. Vakanzwa mutengo vanosarudza rimwe chete kana maviri AKAVHARIKA voenda nawo.
"Darling Let Me Taste": Refuse To Give Him A Taste!
Riya rekushama rinongosara rakadaro kumirira kuzongonzwikwa, kuzongo-taste-wa chete nevanhu vakasiyana-siyana. Kupera kwezuva vanorirasa vachiti ranyanya kubatwa-batwa, hee-e raane zvirwere, rinoitisa mudumbu, what-what!

My daughter, ramba kuitwa iwewe anogara akavhurika kuti utestwe naani naani ada hake kuti awone chakanakira kuroora mudzimai. Pedzezvo wozongoraswa uchinzi ummm anoroorawo Mai Mponesi ndiani, he-ee ane zvirwere, he-ee ikiti, he-e ishiri yemusango. Zvikurusei kuzorambwa naMponesi pamsoro pakudenga. Ndini hangu Apostle Pride Sibiya ndati ndikunyorere kuti hapana kufara apa, uri kungo-testwa, uri kushandiswa. Kutanga nhasi chera kagomba usvipe uti no-more, ndaawaJesu, ndoenda kukereke, ACHANDI-TASTER ANONDITASTER ANDITENGA AENDA NENI KUMBA KWAKE KWETE MUMOTA IRIKUTENGWA VAMWE, ini ndichingonzi, "TINZWE-E!"

If you need additional help contact Mama Apostle Anna Sibiya ubatsirike hupenyu hushanduke!

Ndini wako chaiye anokuda kusvika pakukudzora

Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp