Girls Must Read - Hunhu Hunoita Mwanasikana Arooreke!

1. Ukamhoreswa kana kutaudzwa nemukomana zvakanaka, usapindure rough. Pamwe arikuda kukupa zvawadonhedza kana kukuudza kuti pawapisika, tissue rasara rakarembera. Be nice and polite.

2. Kana wanyengwa nemukomana, be very nice. Ari kukuda nekuti akuda saka haasi kukutuka.

3. Kana wada mukomana, ndiwe wamuda saka usaite kunge wabatirwa pfuti kuti umude.

4. Kana mukomana achikunyenga, rangarira kuti ari kukuona uri nani pane musikana waachasiya kana wamuda. Chirega kumupushira kuna ex nekuita kahunhu kanobhowa kudarika ex. You are the best girl for him until you prove him wrong.

5. Hakuna musikana ane nhengokadzi inokunda dzese saka ziva kuti yako haisiriyo inochengeta mukomana wako; anochengetwa nehunhu hwako ne attention yaunomupa.
Attitude makes a person
6. Mukomana wako haapedze dambudziko rako remari. Ita ma requests ari honest, reasonable and necessary. Haungade Brazilian hair piece ye $300 iye achishandisa phone ye $80. Iwe kutotadza kuiwana kureva kuti naiyewo haana.

7. Just because warara nemukomana wako hazvireve kuti ave mwana waamai vako. Anongokusiya kana wakuita zvinonzi nevakomana, "zvekupenga."

8. Kana mukomana wako aine mwana kare, ziva zita remwana wake, pota uchimubvunza nezvemwana uye ratidza kuzove amai vakanaka kumwana wake whether une wako kana hauna. Remember iye achagara newako kana uine mwana.

9. Farirai kugeza. Zvinodadisa kudanana nemusikana anogeza. Nyatsowachawo nekushambidzika zvakanaka.

10. Usadanane nemukomana asingakuremekedze.

11. Usaite shamwari dzechikomana dzakawanda kudarika vasikana vaunotamba navo. Zvinobva zvaburitsa hunzenza huri mauri nekuti iwewe wacho hautambike newe kune vamwe vasikana.

12. Mukomana wako anokosha kudarika shamwari dzako as long as muchidanana. Mupe first preference.

13. Mukomana haashaudwe pa public.

14. Usaite kufungira kuti mukomana wako ari kukuchita, mubvunze zvausinganzwisise. Trust the way you can love zvekuti unotoziva kuti hapana reason yekuti mukomana akuchite nekuti uri musikana anodika zvakakwana. Kugara uchifungira zvinoratidza kuti unoziva kusakwana kwako and you know you are not the best saka rega mukomana awanewo ari nani.

15. As long as mukomana asati akuroora, haatore chinzvimbo chemubereki. Mukomana anokuitirawo paanokwanisa.

16. Kana usingabvumirane neizvi, ndosaka usiri mu steady relationship...kikiki! Kuseka kwangu hangu!

Chekupedzesera, icho chinokupa kuda kuva nehunhu hunokupa kuwanikwa muwaniso yakatangwa naMwari, nemurume akasikwa naMwari asi wosada kunamata Mwari chii nhai askana. Ah no, ndoda ugashire Jesu saIshe naMambo, vhiki rino wototanga kuenda kuChechi. Ini namama tiri kunamatira wananao yako nemuchato wakasimba. Amen.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp