BOYS MUST READ: Mwanakomana Wangu Usadye Huku Yekukwereta, Inozorwadza Kubhadhara (Real Men).

Mwanakomana wangu, wakaona vanhu vachida kuroverana nyaya dzezvikwereti, yekudya usati watenga wozorwadziwa nekubhadhara zvakatoenda kutoilet. 

Ndafara kuti nhasi ndawana mukana wekukuraira mwanakomana. Zvawakura kudai uye wava kunzwa manzwira-nzwira munyama teerera. Huku yechikwereti inorwadza kuzoibhadhara iwe wakadya kare! Kuti wanzwa kunyerekedzwa mberi hazvireve kuti unofanira kutorara nemunhu. Usakurumidza kumedza, kutsenga uchada, unodzipwa. Pfavira ngoma wangu, husiku hurefu, zvinhu hazvitize mwanangu! MURUME CHAIYE ANOREMEKEDZA MWANASIKANA. 

Murume chaiye haakumbire bonde kune mwanasikana waasina kuroora. Newewo hauzodiwo kuti mwana wako ave wise, nwiwa kana watermelon rinongo-testwa. Remekedza munhukadzi, ida iye kwete kungoda kurara naye.
Teerera Mwanakomana
Inzwa zvaanotaura utevedzere chero zvisiri zvekukubvisa panaMwari. Pfungwa yako ngaive pakuti uyu wandapihwa naMwari ndichamuchengeta, nekumupa mufaro hupenyu hwake hwose. Ndichamushandira nekumuremekedza kuti ave mambokadzi kuti ndive mambo-woo! Mukadzi ngaabatwe sezai nekuti akabva parumbabvu runochengeta moyo kwete pasi petsoka. Mudzidzise kunamata, nekuti ndipo paunotanga kuratidza muono wemhuri nekuti uribaba chaivo. 

Muvimbise kuti uchamirira kusvika nguva. Usanyebera mwana wemunhu wozomurasisa. Moyo wemudzimai unochengeta kudarika wedu saka usaremadza mweya wake nenhema...chawavimbisa ita. Kana wawana wako, chisiyaka vamwe, zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi...mufaro mwena utevedze unoguma. Ngaazvizive kuti iwewe hako ndiwe waramba bonde pasina wanano nekuti shamwari dzake dzakatomuudza kuti he-e everyone is doing it, he-e ukaona mukomana asingarare newe akapusa, he-e kana uchiri mhandara mukore uno wakasara, wakatoremara. 

Mutarise mumaziso uti, "Bonde chairo ndinorida, kurara newe ndotoda izvezvi, uye ndorikwanisa, ndakangofanana nevamwe vese vakomana ASI TAKANGOTI SIYANEI pakuti ini ndinotya Mwari kudarika zvinofungwa nevanhu, ini ndirimuNaziri waJehovah, ini ndakavimbika handidi kudya huku yechikwereti. Kana wada zvangu todanana tichiteedza makwara aMwari. Iniwo ndichakubatsira sekundibatsirawo kwauchaita kuti tikunde miyedzo kusvika zuva redu." Ndopanoti murume we21st century mwanangu...murume asingafungirwe nemhomho...a man of principles...a man of discipline...MURUME ANOFUNGA NEMUSORO MUHOMBE KWETE MUDIKI...murume anoremekedza nudzimai semunhuwo kwete se-sex-toy! Sex is a pre-paid arrangement not a contract line! Tanga wajuicer, my son, contract inorwadza! Ndozvandiri namai vako. Ndoda udarikeni! Zvarema taura neni ndiripo

Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp