Uri Murombo Asi Wakapfuma!

Revelations 2vs9 "Ndinoziva kutambudzika kwako novurombo hwako (asi uri mupfumi)...

Kana mweya wakaipa ukakugara unogona kufunga kuti, bible or Mwari vane pamuromo. Kwanzi uri murombo zvako asi uri mupfumi. Murombo haagoni kuva mupfumi kwete. Ndosaka pane difference between murombo nemupfumi but verse yati urimurombo but uri mupfumi. Uuuuuuuuum Mwari atibatsire kunzvera magwaro.

Pakawanikwa diamond muZimbabwe, kwaChiyadzwa uko negweja, munyika makaita noise. Nyika yakava nemufaro mukuru. Yakava nyaya, 'diamond rawanikwa'. Zvakaita kunge panyuka chinhu from somewhere. Diamond taiva naro kubva kare asi takanga tisingazvizivi. We were rich yet poor. Upfumi huripo but anohwo haasi kuziva. So chembere yekwaMarange yaigona kukanga mhashu nekushaya murivo but vakagadza hari pamapfihwa eDiamond.
Kupfuma

Ndinzwe church, une zvizhinji but hausati waziva chete. Yes, nhamo yako tinoiwona but wakapfuma iwe. Revelations apa chakava chiporofita paupenyu hwako iwe. Apa poda kutenda kwako iwe. Yes, mbereko mava ne13 years ichiramba but ndaona vana kumhanya pachivanze. Degree makapedza matova ne8 years basa richiramba, ndaona payslip ini.

Ndati urimurombo zvako but mweya waona upfumi mberi kwako. Itirwa nyasha mudikanwi. Mwari uyu wakanaka. Ndiye uya ane shoko rake risingadzokeri risina kushandura iwe. Waitirwa nyasha nhasi chaiko. Simba ravo ngaripupurwe paupenyu hwako. Amen, kana zvajeka. Wochigashiraka Jesu mumoyo woenda kukereke nhai!

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp