Murume Benzi - Munotii Apa? - Reverend Machakaire

Murume Benzi anogara nemukadzi waasina kubvisira pfuma. Murume benzi anogara nemukadzi wechikwereti. Murume benzi anochengera mukadzi waasina kuroora.

Murume benzi haadi kunzwa nezvemuchato becoz anepfungwa dzekuda kutiza mhuri. Murume benzi anonyima mukadzi mari.

Murume benzi anochengetera mari mumasokisi, haadi kuti mukadzi wake asvike pabasa paanoshanda. Murume benzi anonyara kufamba nemukadzi wake, murume benzi haadi kuona mukadzi wake achipfeka zviri muFashion, murume benzi anoenda mushop kunotengera mukadzi mapoto nendiro, murume benzi haadi kuti mukadzi wake awadzane nevabereki vake.

Murume benzi haadyidzane nana tezvara vake, murume benzi anoisira mukadzi wake Security code paPhone.

Murume benzi anoita mota mbiri kana nhatu mukadzi wake asingagoni kuDriver, murume benzi anotungamidza mukadzi kunorumbidza Mwari iye akananga kubhawa, murume benzi kana atambira anokanganwa mhuri, murume benzi anorara musango achisiya mhuri iri yega. Murume benzi anogara dare rekuroodza mwanasikana wakasiya kari kasvava, murume benzi anoreva mukadzi wake nevamwe varume, murume benzi anonyima mukadzi wake bonde, murume benzi anodyiwa nenyika mhuri yake ichifa nenzara, haaronge nemukadzi wake zvinovaka imba ,anonyenga varamu, haagutsikani nemudzimai wake, murume benzi haadi kuti mukadzi wake aende kubasa munyika yakaoma kudai nekungochengera, murume benzi anomukira kudziya zuva vamwe vachitsvaga mari, murume benzi anotora midziyo yemumba achitengesa asina kuwirirana nemukadzi.
Murume Benzi - Munotii Apa? - Reverend Machakaire
Murume benzi anodanana neumwe murume ivo vakadzi varipo, murume benzi anorara nemwanasikana wake kumuita mukadzi, murume benzi haadi hama dzemukadzi pamba pake, murume benzi anobvuma kuvenganisa Amai vake nemukadzi wake, anofunga kuti varume vese vanoenda kuChurch vakapusa, anonyenga shamwari dzemukadzi wake, murume benzi anochiva muroora, murume benzi haaendesi vana kuchikoro, murume benzi haadi zivo, murume benzi anorara kubhawa nekumafaro mukadzi achitonhorwa kumba.

Murume benzi akaita mari anobva atoda kuchinja mukadzi ,murume benzi anochiva vakadzi vanofamba vakashama. Murume benzi haadi kuti mukadzi wake atore Passport. Murume benzi haadi kuti mukadzi azive Pay yaanotambira, murume benzi haaudze mukadzi wake Account yekuBank kana Pin yeEco-cash , murume benzi anonyara kugeza nemukadzi wake ,murume benzi anoda kuroodza mwanasikana wake iye asati abvisa pfuma yaamai vemwana wake. Murume benzi haabvi muKitchen nekumapoto, murume benzi ane makaro nekushusha , murume benzi haafariri kugeza muviri nemukanwa .Ini muranda waMwari Rev C V.Machakaire ndinoti Murume benzi akatukwa naMwari pasi nekudenga ,murume benzi haana mugove mudenga dzvene raMwari. Varume chaivo rambai muchiita zvakanaka nguva dzese.

Be blessed for ever nemhuri dzenyu.

Rev C V Machakaire
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp