Dutu Pakuyambuka - Tinoyambuka!

Mark 4vs35-41; Matthew 8vs23-27; Luke 8vs22-25

Jesu navadzidzi vake vapedza kuparidza pagungwa, ndokubva varonga zvekuyambuka mhiri, but panonzi dutu remhepo rakasimuka. 

Pose pavaibata basa vasati vafunga nyaya yekuyambuka mhiri hapana mhepo yakambosimuka but mhepo yobva yasimuka panguva dzekuyambuka. Nyaya yangu nhasi iri pamhepo idzi dzinosimuka panguva dzekuyambuka. The reason why mhepo yakasimuka pakuyambuka yaida kuvadzivisa kuyambuka. Ndoda unyatsopanzwisisa ipapa, ukaparasika wasara neyanhasi.
Dutu Pakuyambuka - Tinoyambuka!
Iwe wakamboona kuti unokwanisa kuwana musikana wekuroora kana mukomana wekuroorwa naye, modanana zvenyu zvakanaka but nguva dzekuyambuka kuti muchiroorana DUTU REMHEPO rosimuka zvaro. Kunyatsopasa mid-year exams eform four with flying colours but pakundoti final exam DUTU REMHEPO rosimuka zvaro.

Aiwazve kutozonyatsopasa kusvika pakuenda kuunversity kupedza zvakanaka but pakuti ngatichiyambuka tiende kubasa DUTU REMHEPO rosimuka zvaro. Nhasi ndoda kuti tibatsirane kunamata newe hama mudikanwi, ndiwe unoziva the exact difficulties you are facing. Zvinomboita sezvofamba asi pakuyambuka DUTU REMHEPO rosimuka.
Zvaitika kawanda paupenyu hwako but nhasi ndinoti zvakwana nezita raJESU KRISTU. DUTU REMHEPO paupenyu hwako ngariputswe nezita raJESU KRISTU. As you finish reading this sermon kana wakasununguka zvako chimbopfugama unamate DUTU REMHEPO dzinosimuka panguva yekuyambuka riputswe uyambuke. Ino inguva yekuyambuka, TIYAMBUKE!!!

Stay blessed. Amen.
Adopted By Apostle Pride Sibiya.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp