Friday, 4 August 2017

Dressing Of A Wife In Her Home (Unedited Shona Version)

Kupfeka kwemudzimai mumba make kwakamira seiko? We know modest and formal dressing. ZvekuParty, zvekurufu etc handisi kubata izvozvo.

Ndiri kuda Amai vari mumba mavo everyday pasina visitor, pasina kwavari kuenda.

Our men are visual creatures, meaning kuti vade nekuyemura chinhu zvinotangira mumaziso avo. They are affected zvakanyanya nezvavanoona.

Vakasikwa vakadaro, so kutsamwa uchiti vanozviregerera kutambisa nguva. Kuita sekuudza Mwari kuti, "you Creator made a mistake."

Nguva dzamunobva kubasa paye, muchingopinda mumba. Chibvisai the 3 piece suit ne jewelry yayo. Chibvisai the stilletos neCameo yacho.Vamwe muri uniformed forces, mupurisa or musoja. Motityisa, and munoisa too much power mumba yekutoita makwikwi nababa neuniform yenyu.

Vamwe muri nurse, uniform yenyu inotifungidza kurwadziwa nemishonga inovava. Sometimes ichitonhuwa mapiritsi nezvimwe zvatisingazive but zvese zvinongoreva nhamo.
Dressing Of A Wife In Her Home (Unedited Shona Version)
Mummy is home hatizvidi isu.

Mummy is sweet and nice please, kana torwara tichavaona ma nurse, kuhosp, we dont need a nurse at our home. Ivo ve uniform ava, vanopinda mumba na5 vagobata bata, vagobika, vagoita homework nevana vakangopfeka hovhororo dzavo.

Kuzobvisa na9pm mondorara.

But we are saying here, tave mumba where you are supposed to be sweet and simple. Kwete power and authority yekwamabva. Vayawo vasingaende kubasa, zi oversize dress, skirt, or zi dee-shirt rine maburi nemazamu asiri mubra. Nekuti maswera muri mugarden or muchiita washen haaa.

Apa baba vabuda mangwanani pulling sock richiri mumusoro. Mhino ichiri pedyo nenzeve musati marongedza face yehope.

Vodzoka shena yakazara ne oversize madhende emugarden.

Odiiwo mwanakomana comparing you to his female workmates netwuma babe twakapoda twepama till??

Uri kungomuudza kuti you are the dirtiest woman he has ever met.

Be organised and timetabled.

Knock off time is family reunion time. This is when family comes together to rest and to be together. Sharing experiences.

Be feminine, kasimple nice skirt or dress kanonyatsokwanawo. Kari neat.

Small earings neka neka neck chain kacho. If u want a more feminine finish.

Vamwe vana mai musi wavanoita smart pamba mwana anototi mhamha muri kuenda kupi?

Simple or no make up, at all. Baba vamboona iwewe chaiye chaiye kwete lipstick inodzinga kiss.

Simple dresses and skirts.

Kana uine short hair ngarikamiwe risiyane neremukomana wemombe. Ngazvionekwe even back view yegotsi rega kuti musoro wemukadzi uyo.

Kwete kuona maraini epafamba nemvura muchigeza.

Ivawo neka lotion kako for the nite. Kakasiyana neyaunozora everytime eg kana uri weCamphor everytime, then manheru zora dawn. It should be a nice cheap one isingasare ichibitiridza mumagumbeze.

Better still kana mari dzichitendera avon or avroy shlain products.

Kana baba vakafunga ka scent ikako, or vakanzwa kachinhuwira paitawo anozora zvakadaro, vanomhanya kumba.

I rest my case

By Rutendo L Nzira

No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *