Zvawapakira Ndozvinobuda

Munhu kana ukamukumbira kuti ndinodawo kuti mutiparidzire shoko, anombotanga aenda kunotsanya, kunamata uye kuverenga Bible achivavarira kuti awane shoko rekuparidza.

But kana ukamutsika kana kumugumburisa, (s)he doesn’t need nguva yekugadzirira mashokoekukutuka nawo, ipapo ipapo anokutukanemamwe mashoko ekuti unoshaya kuti anga azvifunga nguvai.

Izvo zvekuparidza izvo, he needs time to prepare but kana zviri zvekutuka munhu, haadi preparation, its automatic. Zviri maari ndizvo zvinobuda, zvisimo maari haagone kuzvibuditsa, anotoda kutanga amboLoader zvakanaka kuti azokwanise kuzvibuditsa.

Memory card rangu harigone kuridza music yavaManyeruke yandisina kubvira ndaisa imomo, zvirimo ndizvo zvinobuda. Munda wangu wechibage haugone kubuda wheat ini ndisina kubvira ndaisa maseeds eWheat imomo, even by mistake. Garbage in, garbage out. Zvandaisa ndizvo zvinobuda.

Zvawapakira Ndozvinobuda
Zvawapakira Ndozvinobuda

Ungagone sei kubudisa zvakanaka mukati memoyo wako iwe usina kubvira waisa zvakanaka imomo. Obviously kana uchigara uchiLoader zvakaipa unobuditsawo zvakaipa. Uchiswera uchiterera music izere nekutuka, nekushora, mafirimu azere nehuipi, whether its violence, kusapfeka or bonde, obviously izvozvo ndizvo zvino builder mashoko aunotaura, even the way you think.

Jesu anoti pana Mateo 12:34 Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake. zvirimo ndizvo zvinobuda, chii chauri kuisa mumoyo, zvinhu zvemunyika here or ishoko raMwari. Zadza moyo wako neshoko raMwari so that whenever paunotaura, you speak things zvinovaka vamwe, you speak things which make people repent, you speak zvinosimudza kutenda kwevamwe.

Tsvaira moyo wako uchibuditsa zvakaipa kubudikidza nekunamata and studying shoko raMwari, uone kuti once watanga kuisa zvinhu zvakanaka, uchauditsawo zvakanaka.

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp