A Must Read - Amwene NeMuroora - Teerera Tiana

Tiana mwana wehanzvadzi yangu kuroorwa kutaura kuti wakura gara pasi tikuraire isu vana Tete Wako tichiri vapenyu, hona nhasi wakuenda kumba kwako.


Ikoko ndiko kwakunzi kumusha wako iyo nyiko yako wega mwana wedu, ikoko kana wasvika ita zveikoko musha wega wega une zvawo,

Saka ndiwe mai ikoko vamwene wako vachazove ambuya kuvana wako saka

Mwana waMambo muranda kumwe,

Usazoda kuisa mutemo yekuno ikoko hazvina kunaka,

Saka iwe seMuroora mutsva naVamwene wako uri kupinda kumutemo yaMai veMurume Wako nekuti uri mwana apinda mumhuri yavo,

Kana wada rugare ita zvinodiwa naMai veMurume Wako.

Ukadaro ndingati uri munhu mwanangu.

Vamwene munhu akakosha chose. Varoora vakawanda havakwanisi chose kugarisana navamwene. Ukaverenga vakadzi vari pano pasi rose unotoona kuti shuwa kune varoora vakawandisa vanofunga kuti vamwene munhu wekutogara kure naye asi kwete vamwene ndiyo Shamwari yepedyo mumusha mauri kupinda.
Amwene nemuroora
Kune madzimwenewo vanoshungurudza varoora vavo asi kazhinji muroora ndiye anozviita mazvikokota wepamusha paawana pane vanhu kare.

Pane nyaya dzinoda kunzwisiiswa usati watanga kugara nemurume wako mutsva.

Ukatarisa paBhaibheri zvakataurwa naMWARI muna Genesis 2 ndima 24 zvakanzi MURUME achasiya vabereki vake onamatirana nomukadzi wake vaviri voita nyama imwe chete.

Mutemo wakapiwa vanhu pakutanga kwemitemo imwe yese.Takadaro tosvika mubhuku raMatiyo 19 ndima 5 tinonzwa Mwanakomana otaurazve nyaya iyoyo achishandisa mashoko iwawozve. Tobvapo tosvika mubhuku raVaEfeso muparidzi Pouro otaurazve nenyaya iyoyo achishandisazve mashoko amwewo.

Zvino isu kurudzi rwedu tinoti mukadzi ndiye anosiya vabereki vake otevera murume wake. Ukazvitarisa unoona kuti ndipo panobva kunyongana ipapo. Kubatana kwamai nomwanakomana wavo kunonetsa kubvisa kunze kwekuti iye ega azvitaurira kuti akura saka avakuda kubva pamusha kuti anovaka musha wake ega nomukadzi wake.

Iwe somuroora ukasvika pamusha wemurume ukawana mai vake vachimubikira musi wekutanga chaiwo munopokana chero zvenyu musingaudzani kuti mapokana.

Mai vanoda muroora asingavataridzi kuti basa rese ravanga vachiita kwemakore avakarera mwana wavo rasvika parinoperera nokuti mukadzi wake avapo anozvikwanisa. Hakuna munhu anoda kudzingwa basa. Mai vake vachazama kuchengetedza basa ravo nomoyo wose iwe uchizama kuvatorera basa iri nomoyo wose. Saka mungasapokana sei?

Chikuru kutaridzana RUDO, Rudo runokangamwira zvakaipa zvinoitika.

Chero ukatukwa, chero ukapopoterwa, chero ukaramwirwa zvawabika kana kuudzwa kuti hazvinaki, usaora moyo kana kutaridza kutsamwa.

1- Kumbira ruregerero chete wowedzera zviito zvakanaka kwavari.

2- Usakangamwa kuti vanenge vachikutesita kuti vaone LIMIT yako futi.

3- Kuzvininipisa uchiziva chinangwa chako chinhu chakakosha.

4- Kana vakakuti ita ichi kana icho, bvunza kuti chinoitwa sei, chero uchitochigona bvunza maitire vakuudze maitire avo ivo.

5- Wapedza bvunza kuti waita zvakanaka here? Wadaro nyora maitire avo pasi kuti musi wavanouya kumba kwako uvaitirezve saizvozvo. Kutaridza kuda kudzidziswa chinhu chikuru chinovapa basa idzva rokudzidzisa kuti ruzivo rwavo ruite serune basa.

##Muroora anoti asvika pamusha oda zvokutaridza kuti anogona ichi neicho hakuna kwaari kuenda nomurume uyu. Vamwene munhu anofanira kubatwa nehungwaru kuitira mberi kana uchida upenyu hwakareba nemwana wavo.

"KUZVIITA MWANA KWAVARI MAKOMBORERO ENYU MOSE"

Mwana haapinduri mubereki pakutsamwisana.

Mwana anokanganisa mubereki haakanganisi. Nzwisisa PSYCHOLOGY yacho.

Mwana anokumbira ruregerero, mubereki anoregerera.

Mwana anotevera zvido zvevabereki mubereki anotungamirira mwana.

Mwana anodzidza, mubereki anodzidzsa

Mwana anobvunza, mubereki anopindura.

Kana musi wamune mufaro terera vamwene vako pane vaenzi kuti vaite manyawi newe.

Nzwikwa uchitaura kuti wadzidza zvakawanda kubva kuna vamwene vako.

“Mai musandirega ndichiita zvandakaita paya pakauya babamukuru baba Tonderai pandakatadza kuita kusunga Dhuku neZambiya.

Dai mange musipo ndaitoshaya chokubata nokusaziva. Kana ndava neimba yangu motogara pedo nefoni ndigopota ndichibvunza.”

Ukadaro chete uchaona kuti vamwene iShamwari yakanaka,

Nekuti zvimwe zvino taurwa naVamwene zvinenge zvabva kuna baba,
Zvakango fanana nekwawabva baba vano udza mai kuti hona kupfeka kwemwana wako

Mwana wako abika mbodza dzidzisa mwana kubika,

Saka ikoko zvimwe chete ndivo vanotaura newe mitemo yepamusha ipapo.

Inga iwewe ukaona muroora asinga teerere zvinoda mai wako unoti dai arambwa

Zvimwe Chete newe ikoko ITA ZVEIKOKO Muzukuru

Ndivo Mai wako, usade kuita zvino taurwa nedzimwe Shamwari uno putsa imba yako wega?
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp