Varume Imbomirai Kutishusha Please! Part 2

Kunyararawo kwemurume pamwe kunofungisa mukadzi kuti haadiwi. Dai murume achimuda aiona zviito zvake achizvirumbidza.

Mazuvano vanhu vane mafoni avo avanoshandisa kutaurirana nokutumirana ma MESSAGE anofadza. Kana murume achikutumira zvinofadza, achikurumbidza, achikuudza zverudo musati maroorana, ozorega kukutumira zvese izvi marorana, zvoreva kuti kudii? Koitazve kuti munokwanisa kufoyana nefoni dzenyu idzodzo. Ukaenda kumadare emusha unowona vanhu vachibudisirana foni, kwahi vatongi onai zvaakandituka achiita musi wekuti newekuti.

Ukabvunza vakadzi vakambohurira varume vavo, asi vari vanhu vaya vane zvakawanda mudzimba dzavo, sokuti ane basa, anotambira mari, ane mota, murume ane mota yakewo, ane madhirezi akawanda, ane imba yakanaka, ane vashandi, etc, asi anosiya zvese onohura nechikomba. Ukamubvunza kuti ko seiko. Unohwa achitaura kuti chikoma chaimutaurira zvinopa manyawi. Chikomba chikaona akapfeka dhirezi rakanaka chotaura kuti dhirezi rako rakanaka rinotaridza magadziko ako zvakanaka. Asi ipapo abuda mumba mune murume wake asina zvaataura padhirezi rake pese pavagara vakadya BREAKFAST vese. Murume akadai anohi anobhowa. Hapana EXCITEMENT kana unaye mumba.
Mudzimai anofanirawo kusununguka pamba pake
Saka tingati kufoya kugarotaura zvakaipa zvaunoona pamukadzi wako, kana kuti kunyarara pane zvakanaka zvinoitwa nomukadzi wako.

Asizve hatingangopopoteri varume kuti vanofoya. Kana iwe mukadzi ari munhu asingakwanisi kutaurirana zvakanaka nomurume wako unokwanisa kuumba FRUSTRATION mumba mako zvokuti murumewo anongozoona sokuti akaroora munhu asiriye. Kana maroorana matotanga basa rinogozha chose rokvaka musha wenyu. Swedera pedo nemurume wako zvese pamuviri nepafungwa. Ita kuti murume aziva kuti mava vaviri mumba uye mese munoda kuvaka musha. Chitora chinzvimbo chako chikuhi mai vemba uchiremekedzi uchiite nomazvo. Mai vema ndiye MANAGER wemusha. Baba vema ndivo RESOURCE PROVIDER wemusha. Mese mukaita mabasa enyu nomazvo hapana chinokanganisika. Chero murume akakufoya anokufoya zvemujee zvaunoziva kuti ari kutamba newe asi moyo wake uri mumoyo wako. Hazvikukumburi. Pamwe unotosetswa nazvo.

Veduweeka, ngatihwisise kuti kune vakadzi vane zvakawanda zvavasingaiti zvakanaka mudzima dzavo.
  • Kune vasingagoni kubika.
  • Kune vasingagezi zvinoevedza
  • Kune vanosvoda kuita chikapa
  • Kune nosvoda kuudza varume vavo kuti vanoda kuiswa
  • Kune vasina utsanana.
  • Kune vasingadi hama dzemurume
  • Kune vasingagoni kuchengetedza mari.
Kufoya munhu pane zvaasingaiti zvakanaka kunoita atowedzera zvaasingaiti zvacho kuwanda kwazvo. Zviri nani kukurudzira munhu kutevera nzira yakanaka. Kana mukadzi asingagoni kubika iwe uchigona, ita nguva yamunombobika mese uchimuratidza kuti chokuti chinobikwa sei.

Pindai mushawa mese mugezesane uone kunakidza kwazvinoita. Kana mukapedza nguva muchiita zvinhu pamwe chete, unotozoona kuti zvinoita nyore kukurudzira zvauri kuda kuti aite zvacho. Kufoya hakuna chakanaka chinobuda po.

Iwewo nyakufoiwa ukahwa mrume atanga kukufoya zvibvunze kuti zvaita sei. Chii chandaita chisina kumira zvakanaka. Kana uchida kuti murume akuudze chokwadi nokukasira, mubvunze chombo chake chimire asi tanga wamuudza zvauri kuda kuita nechombo chake, Zvadaro ukamubvunza anokuudza zvaanoda kuti ugadziridze. Ukahwisisa enda unogadziridza.

Varume tisu misoro yemba, ngatichengetei mhuri dzedu zvakanaka. Chekutanga varume, kugashira Jesu saIshe naMambo weupenyu hwedu tichiziva kuti sesu tiri misoro yemba Jesu ndiyewo misoro yedu. Kunamata chinhu chakanaka chose sababa wemusha anotungamira mhuri kuna Mwari. Iti, "Ishe Jesu ivaiwo Ishe naMambo weupenyu hwangu. Sukai zvivi zvangu muropa renyu, munore zita rangu muBhuku reupenyu."

Adopted By Apostle Pride Sibiya From Mai Chibwe
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp