Uri Padyo Asi Uri Padyo Here?

Radio Zimbabwe station iripo paMbare apo. But do you know kuti kune munhu ari kuHwange uko, very far from Mbare but anototerera station iyoyo, then pozoitawo vamwe tsano vanogara muMatapi flats paMbare apo but havasi kunzwa station iyi nekuti havana radio. 

So near yet so far! Mugere mudhuze nestation but hapana chamuri kunzwa because hamuna radio.

Physically he is near but technically he is very far away. But uyo wekuHwange uyu physically he is very far but technically he is near. So nyaya haizi yephysical distance but it’s about the technology involved. Likewise mukunamata haizi nyaya yephysical distance but it’s about your spiritual location. Shuwa  unogona kutogara kumberi kwechurch chaiko physically close kuna mufundisi, munogona kuita maneighbours naBishop, but spiritually how far are you? Hwako hupenyu hwepamweya hwakamira sei?
Mishina yenhepfenyuro
Unoda kuvhaira kuti unogara same area neRadio Zimbabwe but iwe usina radio, unoda kuvhaira kuti unopinda church yeMufundisi nhingi but iwewe spiritual life yako is in tatters. Aiwa, tsvagawo radio yako uterere nhepfenyuro, start to build your own spiritual life kwete kuda kupoza nezvevamwe. Denga haripindwe nekuti waiva padhuze peMufundisi upi, but iwe pechazvako wakagamuchira Jesu here uye wakaita zvinodiwa naMwari here.
Nhasi gashira jesu saIshe naMambo umunamate muMweya nemuzvokwadi, wobva wazoenda kukereke nekuita zvakanaka.

Kana rino shoko rakukomborera batsirawo hama nekuitumirawo! SHARE!

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp