Munomhanya Chete

"Vakanzwa inzwi raJehova Mwari vachifamba ... kwotonhorera ... munhu nomukadzi wake ndokundovanda pamberi paJehova Mwari pakati pemiti yomunda." Genesis 3:8

Zvino inga masona mashizha enyu makapfeka ko movandei? Handiti mati kugadzira zvenyu ndiko kunopedza nyadzi nekuunza kururama?

Zvose zvatakaedza kugadzira kuti tiite replace chaMwari hazvitigonese kumira pamberi paMwari. Wasona mashizha ako wapfeka unongonzwa zvichiita kana pasina Jehova but Mwari vskasvika unotiza chete kunohwanda! Kune mharidzo dzedu dzatinozviparidzira tichifadzana hedu dzekuti panouya Jesu hakuna chimwe kutiza bedzi kunohwanda. Kune dziidziso dzedu hedu dzatinonzwa dzichiita kana Mwari vachinge vasipo, vakangoti pfacha panotomhanywa chete nekuhwandwa.
Munomhanya Chete
Chemunhu hachigonese kuti unzwe wakasimira panouya Mwari. Vakangwara vanofano siyana nezvevanhu panodiwa chaMwari kuita avoid kuzomhanya kunohwanda kana vakuru vaye vati pfacha. Chakabva kuna Mwari uye chinomufadza ndiJesu Kristu. Zvino arimo here mumoyo mako. Kana asimo iti: "Ishe Jesu pindai mumoyo mangu muve Ishe naMambo weupenyu hwangu nhasi."
Kupera kwesvondo rino enda kukereke inotenda mushoko raMwari udzidziswe nekukura munaMwari.

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp