Kufonerwa NaPrivate Caller! Pakaipa!

Wakamboona trick inoitwa kana munhu achiita tsika yekusadaira maPhone calls ako. Unomutaimira avarairwa womufonera nePrivate Number.


Unoona shasha ichideira ichifunga kuti hameno mumwe arikufona, yet ndiwe zvako waHider number. Even Mwari vanozvigona futi, vakaona kuti hauzi kuda kuterera Shoko ravari kusvitsa kwauri, He will just use a private number, unoparidzirwa neumwe mutowo usina akamboona.

Bvunza Jonah. Mwari vakamuparidzira neNumber dzaanoziva, vakamutuma neOrdinary way, Enda ku Nineveh unoparidza Shoko (Jonah 1:2). Jonah ndoku ignowa.
Unogona kufonerwa newausingazive
Mwari vakati hazvinetse izvo, kwakushandisa PRIVATE NUMBER, MWARI ndokutuma mhepo.
Jonah 1:4 inoti But the LORD sent out a great wind into the sea. Vanoona vanenge vachingoti imhepo iri yega, it’s just an ordinary fone call, yet iPrivate number irikushandiswa naMwari yakanangana naJonah nekuti ainge aramba kuteerera the 1st call.


Hama wadiwa, kana shoko rauya kwauri rega kuda kuri ignowa nekuti kana Mwari vazoshandisa havo private number unogona kutadza kuzvifarira. Idzo nyadzi dzacho kuti munhu wawanga uchiramba kudaira fone yake ndiye wawazodaira paakufonera nePrivate number.

Rega kutendeutswa nePrivate number, rega kumirira maProblems kuti akutendeutse, rega kumirira kushaya mari kuti kukutendeutse, rega kumirira hurwere kuti udaire Mwari vari kukudaidza, just respond to his call kuburikidza nekugamuchira shoko ravo. Ipo pauri kuverenga apa handiti itori private call, hauna kufunga kuti Mwari angakudane pano.


Gashira Jesu saIshe naMambo. This weekend meet you in church!

Kuziva Mwari ndiko kuvamba kwezivo.

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp