Hunza Mitoro Iyo!

Chembere yakapinda mubhazi nechisaga chairema. Conductor akati, lagguage pacarrier ambuya but vakaramba neparcel yavo uya akati zvekutaura zvinonetsa regai ndisiyane nezvakawanda. 

Chakazoshamisa ruzhinji, chembere yakagara paseat ndokuramba yakatsiga chisaga chiya. Vamwewo vakanzwa tsitsi vakati gogo madii zvenyu kutsveta pasi but mbuya vakati, no ndinozoremedza bhazi rega nditsige zvangu.

Usakurumidza zvako kuseka chembere iyi zvimwe muri vamwe. Mwari wakatida akatimirira nebhazi reupenyu isu tikapinda but conductor (vafundisi nevanoparidza shoko) vakati hunzai lagguage tiendese pacarrier vazhinji takaramba nayo. Bhaibheri rinorondedzera Jehovha “anotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe, iye Mwari Muponesi wedu.” (Pisarema 68:19).
.
Vakadzi vanotakura zvinorema
Why iwe uchigara uri stressed? Endesa chitsapo chestress pacarrier unakidzwe nebhazi parwendo. Shuwa shuwa kuyedzerwa misodzi ichiyerera pamatama,,,,,,aaaaaah iwe rega ndikuudze, Mwari havanzwi kuchema vanonzwa minamato. Isa mitoro pacarrier shamwari. Chimbofunga kuti kana wakasenga mubhazi parinorova hump chii chinoitika...kurwadziwa kunowedzera. Ndizvo zvinoitika kana muchizvitakurira mitoro instead of kuendesa kuna Jehovha.

Pamitoro yese yeupenyu hapana unodarika mutoro wechivi. Namata neni ikozvino: "Ishe Jesu ndiregererei zvitadzo zvangu zvese, mubvise mitoro iri mandiri, nechivi chinondiremera. Ndishambidzei neropa renyu, muzita raJesu. Amen"
“Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye achakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22). Mitoro kuna Jehovha haamboremerwi pliz. Ndatenda.

Sunday kuChurch!

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp