Varume Imbwa?

Chokwadi nguva zhinji unonzwa vanhukadzi vave kungoti varume imbwa!

Varume imbwa woshaya kuti chokwadi nhai vanhukadzi mungaenda kusaloon kunogadzirwa musoro zvinodhura kuita make up inodhura kuti kupfeka dhirezi rinodhura kwave kupa moyo yenyu kumbwa dzamunoziva here? Ko kana iwe uchidanana nembwa urichii?


Nhai mwanasikana iwe chokwadi hausati waroorwa ukaona murume akabvisisra mudzimai wake pfuma ave kukudza kuti handichada mukadzi wangu ndave kuda iwe.

Womuvhunza obva akuudza kuti zvese mukadzi nevana haachadi iwe worongedza bag kuenda kunogara nemunhu akadaro.

Iwe farisira zvimwe chitupa hachiwachirwi mubhachi.

Iwe unoda kugarisana nemunhu ane hutsinye hwakadaro hwekuchemedza mudzimai nevana unoti rwake rudo here.

Ungati wawana murume here ipapo kana wawana munhu asina rudo nemukadzi waakaita naye vana

Unomudii murume anosiya vanavake nekuda kwako iwe usina ropa naye.

Mangwana ndiwe chinomutadzisa kukuramba chii kana akaramba mukadzi nevana vurai mese.

Vasikana musati varume vane hutsinye varume vanokuudzai zvamunoda kunzwa.

Ndinoziva ndine shamwari dziye ma single mothers......ma widowers...ma dirvocee ukaona wasangana nemurume ane mudzimai wake anoti anoda iwe nemwana kana vana vako achiramba wake mukadzi nevana ungware ipapo.

Chinomupa kuramba kuchengeta vana vake achida kuchengeta iwe nevana vako achirasha vake chii?
Varume Imbwa?
Musashandiswa imi imi.

Ukaona murume ane mhuri yake anoda kusiya mudzimai waakabvisira pfuma achida iwe anoda kuongororwa pfungwa ndivo varume vaye vakambotsvira mumba musuwo wakavhurika.

Hupenyu hwese achirera wako mwana wake achivata nenzara achinyengerera rinosebwa neiko nhaiwe mwana sikana.

Vanhukadzi musaita kunge nhunzi dzinobatwa nehuchi hwadzisingadyi. Ukaona uri musikana usati wamboroorwa siyana nemasaimba aya.

Zviye zvekunzi akati anondida haana basa nemukadzi wake gara kumba uite mukadzi uone uchaona kwave kuuya mumwe ndipo paunozonwa muchetura pakadaro.

Vasikana ariko majaya ezera renyu usati wawira dzidza munhu woendawo wonoona kumusha kwake naiye kwenyu kwete kungoita chipavhurire kunge vana chimbwido venguva yehondo.
Ma SINGLE MOTHER'S.....Iwe une vana vako vavairi nechekare vaunochema kuti baba vavo havadi kuchengeta saka iwe ukaona murume anoramba vake nekuda kwako ungware ipapo.

Kana munhu ati anokuda ziva kwaanobva kana akati ndakafirwa enda kumusha kwake unoona guva remudzimai wacho haikona kungowira.

Varume havasi imbwa asi vamwe vanoita hunhu hweumbwa zvinongoitwawo nevamwe vakadzi. Ngatigashirei Jesu mguva iripo tinamate.

Have a blessed day.

Adopted By Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp