Uriroja Hauna Imba Pano with Apostle Pride Sibiya

I am hopeful that I am talking to someone who has been a lodger before. Kana uriroja haumbonyanyise kusununguka nekuti unotoziva kuti pauri hapasi pako.


Pane tumitemo twaunopihwa tunokuratidza kuti, "pano hapasi pako gara wazviziva kuti uri roja." Extra Large yakaimba, uri roja hauna imba pano unogara mu..." Hanzi musanonoke kusvika...musabaira zvipikiri...musabike matumbu...haa unongonzwa iwe!

By Apostle Pride Sibiya 

Solution kutsvaga stand wozviitira musha wako. Zvino waane stand here muno muZimbabwe? Zvawava nayo ko yekudenga wava nayo here? Tazviona pekuisa nyama munapo, ko pekuisa mweya mavanapo here?

Hama yangu zvakanaka kufara uri pano panyika asi usakanganwe kuti pano hapasi pako uri roja. Inga tinoimba, "Hatina musha panyika tinoda musha urikuure zita rawo iZioni unopenya nguva dzose."

"For we are sojourners before You, and tenants, as all our fathers were; our days on the earth are like a shadow, and there is no hope." (1 Chronicles 29:15)

Tingati tagarika hedu pano hapasi pedu...tukirira hako zvekunamata...ita dambe rose...ita hako shasha yekutuka vanhu mumagroup uchikanda zvinyadzi...ita vakadzi kana varume wavada asi one day Land-Lord wawakaramba kuita Lord of your life achati, chibudai mumba mukashairwa pekuti mweya uende. Nyika ino haisi yedu tirimaroja hama dzangu!
Uriroja Hauna Imba Pano with Apostle Pride Sibiya 
Gashira Ishe Jesu ikozvino upewo umwe runyoro rwuno muzita raJesu. Share!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp