Ndinogona Kukupaka, Handigone Kukudyira

Tingawirirane tingafare tese tingadanane asi hapana anodyira umwe. Unwe neumwe anotimba zvinoenderana naye okanda mumukanwa make. Ini ndinogona kukupaka but handigone kukudyira, wapabata?


Tingaimbirwa, tingaparidzirwa asi kunamata idungamunhu. Jacob akati kuvakadzi vake vaviri nevana vake, yambukai mhiri ini ndichatevera (Genesis 32:22-31)... Jacob akasara ari ega... shoko roti iro ndipo paakazorwisana nemutumwa waMwari zvekutyoka hip achiti "I will not let you go until you bless me"... Ndasvika pandave kunzwisisa kuti some of these battles in life you really need to be by yourself chimbofunga kuti dai vakadzi vake vaviri nevana vese eleven ivavo vaivepo hapana paaizomborwisana nemutumwa kusvika pakutyoka hip kudaro... vangadai vakamubata vakati siyai mutumwa ayende, munoda zvinhu too much baba imi, Jacob, .. asi Jacob anoti endai ndisiyei ndega pano... chokwadi kana wafunga zvedenga learn to separate yourself from people who can easily discourage you. 
Ndinogona Kukupaka, Handigone Kukudyira

Zvakanaka kunamata takawanda asi mira wega uudze Mwari nyaya yako... zvemhomho izvi siyana nazvo, vamwe vanhu vanokudzosa kumashure.  Zvakanaka kunzwa shoko asi verenga futi Bhaibheri uri wega. Tinoda kukurudzirana nevamwe shuwa asi mabvako unozotsvagawo Mwari wega here.

Usateedzera shamwari. Ziva nhamo yako ne hondo dzinokuteera. Rangarira Jesu, pamazuva ake panyika, all the time ainonamata ega, even muGethsemane chaimo Jesu anoenda an extra mile kunonamata ega...achisiya vadzidzi vake . Hama yangu hupenyu hwako uhwu hwakutoda kuti uite separate yourself from the crowd and pray hard uchinzvenga zvakaipa nevanozviita. Zvichiita sezvinorwadza tell God I will not let go until you bless me! 

Chandagona kuita kukupaka mashoko aya asi kukudyira handigone! Chigashira Jesu ushandure mararamiro ako woenda kuSvondo.

Adapted by Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp