Kana Wakambodya Mbodza Verenga.

Hama dzangu ndakambotambura nenyongo kune vanoiziva. Kungonwa tea yaadziya chete nyongo yotosimuka. Saka ndaiti ndikangozama kuimwa ndikanzwa ichidziya ndotosvipa. Even usina nyongo tea inodziya haite, ingatoite hot tea or ice tea chete.


Mvura inopisa inobikiswa sadza rinonaka inodziya inobika mbodza

Mvura inopisa inobika tea yakanaka inodziya inobika inonyangadza

Mvura inodziya yakanakirawo zvese zvinechekuita netsvina, kugeza ndiro, magumbeze, kana kuwacha manapukeni.

Ukabika sadza mbodza wopa murume iye odya onzwa kuti imbodza osvipa...zvinorwadza sei kusvipirwa sadza rawabika. zvino kunesadza raita mbodza rabikwa nemutendi anodziya pakunamata. Inzwa zvinotaurwa nemurume weChurch:

"Ndinoziva mabasa ako kuti hautonhore kana kupisa. Dai uchitonhora kana kupisa. Zvino zvaunodziya usingtonhori kana kupisa ndichakusvipa mumuromo mangu." Zvakazarurwa 3:15-16.

MuKristu anodziya, a bit of hot and a bit of cold, hauzive kuti muKristu or muhedheni anechinamato chinodziya, anosvipwa naJesu! Kusvipwa kushorwa kwakanyanya.
Kana Wakambodya Mbodza Verenga.
ChiKristu chinodziya chinoitisa Jesu nyongo...chinobika mbodza yechinamato...chakanakira satan bedzi nekuita anochitakudza tsvina dzake dzese.

Hama yangu be serious about the Kingdom of God! Gashira Jesu NOW! Enda kuChurch NOW! Vakaira nekufashaira nemoto weMweya Mutsvene NOW!

Be on FIRE FOR JESUS and SHARE this NOW!

By Apostle Pride Sibiya.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp