Mota Yakandinyadzisa - Zvinorwadza Sei By Apostle Pride Sibiya

Rimwe zuva mukomana akatora mota yake kuti aendese musikana wake nevabereki vake kumusha kwavo. Abvunzwa kuti inosvika here akataura akati, “Iyi mota iyi baba, yandichengeta uye yakanakisa, musambotya.”

Vakasimuka zvakanaka asi vakati vaakusvika kwaNyamweda mota yakatanga kudzima ndokuramba kufamba. Musi uyu mukuwasha anga asati aroora akaradzika mhuri yose pasango. Akanyara chaizvo!

Ko sei mota yakandinyadzisa kudai? Nyaya yakaitika ndeyekuti mukomana akafambisa mota nguva refu pasina service. Mota inoda kuservice-wa. Ukasabata mota zvakana rimwe zuva ichatadzawo kukubata zvakanaka. Ndizvo zvakaitika apa.
Mudikanwi hama ndatumwa naMwari kuti ndikutaurire kuti mota yakanaka asi mweya wako wakanyanyisa kukosha. Mweya ukasaramba uchiendeswa kuservice unopedzesera wakufira pawaifunga kuti uchakubatsira. Zvakaoma kuita munhu anoshamisira munyika vanhu vachiti wakapenga asi mweya wako wakafira panzira. Kunyangwe nhasi uchidadisa mangwana pakutongwa zvichanyadzisa. Dhanyeri 12:2 inoti : “Zvino vazhinji vevavete muvhu rapasi vachamuka, vamwe vachamukira kuupenyu usingapere, VAMWE KUKUNYADZISWA NEKUZVIDZWA KUSINGAPERI!”
Mota Yakandinyadzisa - Zvinorwadza Sei By Apostle Pride Sibiya
Uripapi hama yangu? Nhasi gashira Jesu saIshe naMponesi wako, Svondo woenda kuChurch Service kune service yemweya. Verenga Bhaiberi uchinamata woshandira Mwari.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp