Chenjera Kuendeswa KuButcher Uchinzwa - Zvinorwadza Sei!

Mombe ine dambudziko. Inodzidziswa kurima zvekuti ikanzi, "kona," ino kona.  Ikanzi, "drill kudzoka kumashure," inogona. Ikanzii "TASAAA," INORAMBA IRI STRAIGHT.


ASI ZVINORWADZA SEI KUTI PAKAUYA VANHU VEKU BUTCHERY VACHIDA KUITENGA MUNOGONA KUENDA PEDYO NAYO MOTOTAURA KUTI NDINODA KUITENGA NE $200 NDONOSVIKA NDIKANOIURAYA but mombe hainzwii izvozvo. Chayo kunzwa zvekushandiswa ASI zvehupenyu hwayo haizvinzwi.

VARIKO VANHU VAKADARO VANONZWA ZVISINA BASA ASI ZVINOPONESA MWEYA YAVO HAVANZWI.Ngatikumbireyi nzeve dzemweya tinzwe zvemweya. Jesu arikudaidzira kuti, "ani nani anotenda kwandiri achava nehupenyu husingaperi." JEHOVHA VOTI, "UYAI KWANDIRI IMI MOSE KUNYANGWE ZVIVI ZVENYU ZVAKATSVUKA SEROPA INI NDICHAZVICHENESA." Iwe wotadza kunzwa zvinhu zvinofadza kudaii! BASA REKUTERERA MUSIC ISINGASWEDEDZI PEDYO NAMWARI, BASA KUPEDZERWA NGUVA ZHINJI UCHITAMBA MAGAME PAFONI, zvekunyikaa uri number 1, ASI ZVEKUUPENYU HUSINGAPERI URI EMPTY. Zvinorwadza sei kuti chako kungonzwa paita chifeve, paita doro, paita small house, paita makuhwa, paita zvemashavi...zvekugoshandiswa nekuuraiswa naSatani!!!

Nhai hama YANGU unotii urikuendepii munyika yaoma kudai. USAFUNGE KUTI KURARA KWAURIKUITA ILUCKY BUT MWARI VANECHINANGWA NEWE HAMA YANGU KUTI ZVIMWE UNGATENDEUKA NEMOYO WAKO WESE. Iwe worambaa KUNAMATA...iwe woramba kuverenga Bible. HAMA YANGU PANO PASI HATISIKUGARA NEKUSINGAPERI TICHAFA. KUVIRA NEKUBUDA KWEZUVA CHIRATIDZO CHEKUTII MAZUVA EKUFA ASWEDERA JESUS IS COMING AGAIN SOON SOON GADZIRISA NZIRA ACHIRI MANGWANANI NEKUTI HUSIKU HUNOUYA HWAUSINGAZOWANI MUKANA. . .
Chenjera Kuendeswa KuButcher Uchinzwa - Zvinorwadza Sei!
Nhasi wanzwa here zveupenyu? Chitiza neupenyu hwako Satan aaakuda kukuendesa kubutcher rinonzi gehena. Iti, "Ishe Jesu pindaiwo mumoyo mangu muve Ishe naMambo weupenyu hwangu. Amen."
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp