Chawasarira ... Ndochiziva Chawasarira - Zvinorwadza Sei?

Musi weChina ndakarova kamota kangu kadiki ndakananga nemugwagwa weBulawayo. Ndichangoti pfuurei paround-about yepadhuze peKuwadzana paye ndakaona mukomana akanga achimisa mota.


Akazama kundimisa ndikamira. Akati mukoma ndikwidzeiwo mota kusvika Bulawayo. Moyo wangu wakabva wanzwa kumufarira ndikabvuma. Handitodi kumubhadharisa coz fuel ndakatoisa uye ndotodawo wekufamba naye. Paakazotanga kumhanyira mikwende apa ndopandaka batikana. 

Mukomana aive nemabhegi, zvidende, zvimapepa, zvivezwa, nezvimwe zvakawanda. Ndakataura kamota kangu ndikaona kuti zvaisakwana. Ndakazomuti ndaisakwanisa kuenda naye nekuti zvake zvaisakwana. Asi ndaida kuenda naye, ndodii? Ko haagone here kuzvisiya, our akati hazvibvire. 


Takazowirirana akasara nemikwende yake hake. Fuel yedenga yakatobhadharwa naJesu pamuchinjikwa uye anode kuenda newe kudenga. Kunyangwe achikuda unogona kusara. 

Chawasarira ndochiziva! Nyaya yekurambira nezvawakatakura zvinoremedza mweya wako ndopane nyaya. Bhaibheri rinoti, " Wherefore seeing we also are compassed about with so great a cloud of witnesses, let us lay aside every weight, and the sin which doth so easily beset us, and let us run with patience the race that is set before us" (Hebrews 12:1). 
Chawasarira ... Ndochiziva Chawasarira - Zvinorwadza Sei?
Izvezvi tura mitoro yezvivi zvako pamuchinjikwa waJesu. "She Jesu ndiregererei nekukutadzirai, nekusaregerera. Ndibatsirei ndikunamatei mumweya nemuzvokwadi. Amen. 

Go to church, share your testimony, pray and read your Bible daily!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp