Tiri Vakadzi Vezvikwambo Zvababa. Tinobatsirika Here?

IMWE mhuri yekwaMatyaira, kwaMwanza, kuGoromonzi, nevamwe vedzinza ravo vanonzi vakaitwa zvinogara zvakadaro – vose vakagusiswa vhudzi rose zvaro riri pamunhu, iro rakaendeswa nababa vemhuri kun’anga uko kwakanoitwa mhiko dzinonzi dzaunza matatambudziko makukutu.


Pamusoro peizvi, vemhuri iyi nevedzinza vanonzi vakachekeswa nzara dzekumakumbo nedzemumawoko izvowo zvakaendeswa kun’anga imwe chete iyi.

Mhuri iyi isati yaenda kudare, baba vacho vanonzi vakasvika pakurwisa vanasikana vavo ava vakabvarurira Fungisai zvipfeko zvemukati apo vaive vakamugara matunduru...

Fungisai, achitura nyaya yake mudare, anoti vanoda kubatsirwa zvichitevera kushandiswa uko anoti vari kuitwa nababa vavo.
Tiri Vakadzi Vezvikwambo Zvababa. Tinobatsirika Here?
“Hatigare kuvarume tose tiri vasikana vashanu mumba medu, hapana anemba. Ini naFarai taiva nedzimba dzedu takadzoka kuvarume sezvo tinonzi kwatinofamba tine vamwe varume vemishonga kana kuti zvikwanmbo vanogara kumba kwedu. Nyaya idzi dzakatanga apo baba vakakurudzira vanhu vose kuti vaguswe vhudzi rakavandika, remumusoro nemuhapwa iro vaiti raida kugadziriswa matambudziko aiva mumusha. Munhu wose akazvigusa, kusanganisira nekumadzitete dzinza rose, vhudzi iri rikapihwa kuna baba,” anodaro Fungisai.

Anoti baba vavo vakaendesa vhudzi iri kun’anga inonzi Abudhara asi havana kuzonzwa kuti rakanoitiswei.
Farai anotsinhirawo nyaya yekuzvigusa vhudzi rikaendeswa kun’anga nababa vavo.

“Baba vapihwa vhudzi iri, vane mhiko dzavakapihwa dzekuti pamba paisafanirwa kuburitswa moto panze, vana vaisafanirwa kugezerwa mukati mechivanze uyewo kuti migoti kana zvipunu zvaisafanirwa kusiiwa zvakabairira mukati mezvekudya.

“Mhiko idzi dzakatadza kutevedzwa dzikabva dzafumurwa izvo zvinonzi zvave kuunza matambudziko mumhuri,” anodaro Farai.
Unogona Kubatsirwa.
“Mumusha medu makazouya imwe n’anga ichida kubvisa zvinhu zvakaiswa nababa izvi ikatadza. Baba vanonzi vakazoenda kun’anga yakavapa mishonga iyi vakanoipa mbudzi dzekuripa kuitira mhiko dzakanga dzatyorwa, ikati zvapera asi nanhasi matambudziko aya tichiinawo,” anodaro.

Hama dzangu ipaiwo pfungwa dzekubetsera mhuri iyi.

By Kwayedza Reporter
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp