Nyoka Inondiita Mukadzi: Ndodii?

MUKADZI wechidiki wekuChitungwiza anoti ari kuitwa mukadzi nezinyoka rakakura kunge shato, izvo zvaanoti pakutanga aisazvida asi iye zvino, nekuda kwekuti haana wekuzvirambira, ave kutozvifarira. 

Kana apedzwa naye, anoti anozorota achibara tuvana tutatu-tutatu utwo twaanozoyamwisa asi ozotushaya. Anoti izvi zvakamuita kuti arambane nemurume sezvo zvichiitika kwaari siku nesikati, achitoona zinyoka racho.

Pauline Gore (35), uyo anogara kuUnit G asi kumusha achibva mubhuku raNyakudya, kwaSadunhu Musonza kuGoromonzi, anoti apfidza nekuitwa mukadzi, kuyamwiwa “nekutsodwa” nenyoka zvekuti dzimwe nguva anosvika pakutojuja ropa, rimwe nemukanwa.

Nyoka iyi, anodaro Pauline, inomuyamwa mazamu, kumuruma mukanwa sezvinonzi inomutsvoda, kupinda mudumbu make nekumuitawo zvimwe zvinotyisa. Pamusoro peizvi, anoti anotemwawo nematombo aasingaone kwaanobva.

“Zvakatanga muna 2003 apo ndaingonzwa muviri wangu uchifambwa nezvinhu zvandaisaona asi ndichinzwa kufema kwechinhu. Ipapo ndaibva ndanzwa kutonhorera, kuya kunoita nyoka, ndichitonzwa ndichifambwa nayo. Dzimwe nguva inotondimonerera kubva kumakumbo kusvika muhuro,” anotsanangudza Pauline.
Nyoka Inondiita Mukadzi: Ndodii?

Anoti izvi zvinoitika kwaari akasvinura kana arere apo anorota achishinha nenyoka inotanga ichimunanzva nekuisa musoro wayo mukanwa make yozomuyamwa mazamu. “Dzimwe nguva nyoka iyi ndinoita yekurota asi pamwe inouya ndakasvinura, kunyangwe ndakazvambarara pamubhedha. Inosvikotanga nekundisunga yondimonerera muviri wose yobva yapinda neni ichitanda nemusoro wayo.

“Pamwe pacho inopinda mudumbu mangu nekusikarudzi ndotonzwa yave kutamba-tamba mudumbu semune mwana, sezviya zvinoita makadzi ane pamiviri,” anodaro Pauline. Nyoka iyi inonzi inogona kuita mazuva

akatevedzana ichiita izvi zvekuti anozoguma ave kubuda ropa nekurwadziwa. “Ndinoudza baba naamai vangu asi havana basa nazvo. Vanonditi ndiende kwandakaromba. Handizive kuti kwavanoti ndakaromba kwacho ndekupi nekuti handina kumbobvira ndakabata mushonga.


“Ndinotya kuti ndichafa ndichisiya vana vangu dzava nherera, mukuru ane makore 18 wekupedzisira ane matatu. Saka ndinokumbira kubatsirwa neruzhinji rweZimbabwe. Ndanzwa!” Anoti nyoka iyi inonwa ropa remumazino ake izvo zvinoita kuti arwadze uyewo achizvimba kumeso nemuromo.

“Ndaiva ndakaroorwa kwaSabhuku Chiworeka, kuDotito kuMt Darwin, ndikazorambwa nemurume wangu, Chrispen Yaso, nekuda kwenyaya iyi. “Nyoka iyi yandipfidzisa hama dzangu. Izvozvi muviri wangu wose unorwadza, ndinozvimba kusikarudzi uyewo inondinanzva mumaziso zvinoita kuti arwadze nekuzvimba,” anowedzera Pauline.
Unogona Kubatsirika.
By Kingstone Mapupu.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp