Ndakaberekeswa Chikwambo, Ndicharoorawo Here?

Ndiri murume ane makore 37 ekuberekwa, uye dambudziko rangu rakamira sezvizvi:


Handina mudzimai nechikonzero chekuti ndikawana mukadzi wandinodanana naye zvinongogumira pakudanana pasina chinofamba.

Ndakambozvifambira ndikanzwa kuti ndakaberekeswa mweya wechikwambo mumusha medu usingade kuti ndiroore. Iye zvino ndine mukadzi wandiri kufambidzana naye uyo anongouya achingodzokera kumba kwavo nekuda kwemweya iwoyu.
Ndakaberekeswa Chikwambo, Ndicharoorawo Here?
Kana pfuma kuti ndibatewo mari iri kungoparara zvisina tsarukano. Iye zvino mukadzi uyu ava kutosvika pakusviba moyo nezvangu sezvinongoita vamwe. Ndaneta kufamba mumaporofita asi hazvisi kupera.

Dzimwe nguva ndinorota ndakavata nemukadzi, hama dzangu dzinongonditarisawo.

Ndibatsireiwo tete ndatambudzika. Kana muine vamunoziva vangandibatsira uye vanonamata, n’anga kwete.

By Kwayedza
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp