Ko Mukuwasha Andionei?

Sekuru hanzvadzi yamai Gondo ndokufunga kushanyira mwana wehanzvadzi. Vasvikako vakatambirwa nemufaro navowo vakafara zvikuru. Vakabva vanzwa zvavakunzi, “motobata huku.” 

Nguva yemanheru yakati yasvika vakazonodya mumba imwe chete nemukwashazukuru wavo, baba vemusha uyu. Vakaona mwana auya nesadza rababa vake riine chidya, chitaka, mazai nechikanganwahama. Vagezeswa maoko ravowo sadza rakazouya naChenai, mwana wemuzukuru wavo. Chakazoshamisa ndechekuti ravo sadza raingove nemuto wehuku…zvinorwadza sei? Apa waifunga kuti nhomba yenyama inopera!

Semunhu akatanga kudya mukuwasha wavo akakurumidza kupedza. Akange asakadza nyama yose ndokusiya rangwanda repachidya rava pachena pasina kana kanyama. Ipapo baba ndokusheedzazve Chenai voti, “dondisvitsirawo kuna sekuru vako uti ,hero Shumba, chipedzesai? Ah zvinorwadza sei?..Ko mukuwasha andishorei? Ko iye ndiye anodya nyama inini ndozodya bhonzo raasiya risina kana nyama? Aiwa ko iye ambodya nyama yacho ngaachipedzesaka bhonzo racho!

Zvinorwadza sei Mwari wemasimba ese kuti uchakasimba kudai ndopaunoramba Mwari uchipedzera simba rose nenyama yose kuna satani nemabasa enyika, wozoda kuuya kunaMwari usisina nyama wasara musoro chete? Hoo nhasi ndozuva rekushandira nyika? Ko uchazonamata zvadiiko?

Zvisinei, Mwari wako ati, “Sibiya vaudze kuti, tsvakai Jehovah achawanikwa, mutadzi ngaasiye nzira yake, akasarurama ngaadzoke kuna Mwari…kunyangwe wasara mabhonzo chete Jehovah vanoti, huya titaurirane nyangwe zvivi zvako zvakatsvuka seropa ndinozvichenesa semazaya echando.”

Remember your Creator in the days of your youth! (Ecclesiastes 12:1)

TENDEUKA NOW! JESUS IS SURELY COMING!

DON’T LET SATAN STOP YOU FROM SHARING THIS MESSAGE.

Munyori: Apostle Pride Sibiya
Ko Mukuwasha Andionei?
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp