Hari Yakapunzwa, Muzvinabhizimusi Tasa.

Murume wemuHarare anonzi akafa zvisina tsarukano mushure mekunge hari yake yainge izere neropa, iyo yaishungurudza mhuri, yakapunzwa. 


Izvi zvakaitika nguva pfupi yadarika zvichitevera kupunzwa kwehari yaive neava mushakabvu Tawanda Chitumbura, yapunzwa kuimwe chechi.Izvi zvinotevera kuenda kwakaita vamwe vanoitwa vanasikana nemushakabvu uyu kunotsvaga rubatsiro apo vainge vachishungurudzwa nezvinhu zvavaisanzwisisa.

Moreblessing Chitumbura (22), uyo anogara kuWaterfalls, muHarare, ari mumwe wevanasikana vekumhuri iyi vakanotsvaga kubatsirwa anotsanangudza mashura aya.

“Ini nemukoma wangu Tendai Chitumbura (28), takaenda kuchechi tichida kubatsirwa uko takasvikoudzwa mazita ehama dzaitikanganisa, kusanganisira babamudiki. Mushure mezuva tabvako, takanzwa kuti motokari nhatu dzaitengeswa nababamudiki dzatsva uyewo garaji ravo rekwaMutare nezvitoro zvatsva,” anodaro.

Vaviri ava vaitaridza machira anonzi akange ari muhari yaive neropa pamwe nemumbiya yakanyorwa mazita evanhu vemumhuri yekwaChitumbura. — Mifananidzo: Memory Mangombe

“Babamudiki vakazoendesa hari yaiva neropa nemachira nemifananidzo. Havana kuzoita mazuva kubva ipapo, vakadonha ndokufa. Patakaenda kunhamo yavo ndakanorohwa ndichinzi ndaiva ndaendesa baba ava kuchechi yemaSatanist zvichinzi ndizvo zvakakonzera kufa kwavo,” anodaro Moreblessing.
Hari Yakapunzwa, Muzvinabhizimusi Tasa.
Hari yaiva neropa iyi yakapwanywa, machira ndokupiswa kukasara mbiya yaiva yakanyorwa mazita evemhuri iyi anosangasira Winnet, Vitalis, Muchabaika, naNyarai uyewo maiva nemachira matsvuku, machena neegreen.

Anotizve babamudiki vake vasati vafa, vakaenda kunokumbira ruregerero kuna amainini vavo, munin’ina waamai.

“Vakanoti ndinoda kukumbira ruregerero kuvana pane zvose zvaiitika kwavari,” anodaro.

Moreblessing anotizve panguva iyi, mumhuri mavo makafa vanhu vakatevedzana vanosanganisira babamudiki vavo avo vakangopunzika, tete vakarohwa nezvinhu nababamukuru vakatsikwa nemotokari.
Anoti iye zvino vagere zvakanaka nemukoma wake Tendai.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naTendai kuti apewo divi rake panyaya iyi sezvo ainzi aiva kuSouth Africa.

Mutungamiri weJubilee City Ministries International iri kuGlen Norah C, muHarare, Prophet Wiriranai Ngomani (35) anotsinhira nyaya iyi.

Prophet Ngomani vanoti: “Tine vanasikana vaviri vakauya vachiti vane mweya yetsvina yaivanetsa. Zvakazobuda kuti mumhuri yavo maiva nehari ine ropa revanhu vaifa nemachira matsvuku nemamwe ainyorwa mazita evanhu vehukama, mamwe achinyorwa mumbiya.

“Nyakuuya nehari uyu akazongofa uyewo nekuparara kwepfuma yaiunzwa nezvikwambo zvaikanganisa vanasikana ava.

“Vemhuri iyoyi mukoma nemunin’ina, chatakaita kungodzosera zvipotswa zvaiunzwa kwavari vachishandiswa kuita mari.

‘‘Izvi zvakaitika mushure mekunge babamudiki vevasikana ava vauya nehari nemachira nemifananidzo yevanhu vemumhuri yavaiva nayo.”

Vanoti vakanamatira hari iyi nezvose zvaiva mukati mayo ndokuzoipwanya. Pasina nguva, muridzi wehari iyi anonzi akabva afa.

“Babamudiki ava vakafa tichangobva mukupunza hari iyi. Vasati vafa, kwakatanga kutsva motokari dzavo nhatu dzavaitengesa negaraji ravo kwaMutare. Vaitenga nekutengesa motokari,” vanodaro.

Munyori: Kwayedza
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp