Dai Gonzo Raidzidza - Ichokwadi Here Kuti Zvemahara Ndezvemahara?

Usafire mafufu segonzo. Gonzo rinofunga kuti kuisirwa dovi pachena kudiwa, nyamba chose chaiswa pachena nemunhu chinouraya, zvinokosha zvakavigwa.


Yakatadza kunzwisiswa nevarume vasina kukwana vakagarirwa zvakashata nevasikana vebasa vakatadzira Mwari, vamwe vakatoramba vakadzi vavo nyamba kuteiwa vakuru, chose chakaiswa pachena chingwarirei baba. Baba/mukoma, mini skirt yakasiya zvese panze haibudirwe rute, idhibhura, chikirimbani chinovhima upenyu hunokosha.

Nemiwo amai, sure hapana chakaipa kunzi you are looking good. But tarisa kuri kubva compliment yacho neziso racho reari kudaro. Unoti kunzi beautiful sure nyamba itori nzira yemurume uyu kuwana masvikiro. Otoona iwe smile inobata ear to ear ah otoona kuti panosvikika apa. Sure murume munaye kumba motizve nemumwe uyo. Hakusi kuti muri beautiful asi matoteiwa mukaonekwa kuti makapusa.Munofa nedhibhura rasatan amai.

Kutanga rini nhaiwe Gonzo nzungu kumera pa simbi, ini ndinobva ndashaya kuti kamusikana kechidiki kakaita sewe unogamuchira zvipo kubva kumurume wemunhu, hauoni here kuti mavara eshato. Vakomana hobho munyika in all shapes and sizes, vakafirwa hobho asi iwe takarasima nevarume evanhu, zvokwadi une shavi rekufa wakanyenama segonzo.

Tava kuda va Kristu vanonyumwa miteyo yasatani, kwete kungowira kunge vasina mweya mutsvene.

Ndinonamata kuti dai Mwari vakurwirai pamiteyo yose ya satani, zvakakwana zvawakabatwanemadhibhura, nezvirimbani zva satani. Mapisarema 91:3 inoti, "Nokuti iye uchakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, napahosha inovuraya zvikuru."

Dai gonzo raidzidza taiwanawo chembere dzemakonzo asi iwe muverengi wangu unodzidza, uchiteerera.

Haupedzwi nemiteyo yasatan nezita ra Jesu.

Halleluah vazvinzwa ...!
Dai Gonzo Raidzidza - Ichokwadi Here Kuti Zvemahara Ndezvemahara?
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp